Shona

Croatian

Mark

16

1Sabata rakati rapfuura, Maria Magidharini, naMaria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vaende kunomuzodza.
1Kad prođe subota, Marija Magdalena i Marija Jakovljeva i Saloma kupiše miomirisa da odu pomazati Isusa.
2Mangwanani-ngwanani kwazvo nomusi wokutanga wevhiki vakaenda kuguva, zuva robuda.
2I prvoga dana u tjednu, veoma rano, o izlasku sunčevu, dođu na grob.
3Vakati pakati pavo: Ndiani uchatikungurusira ibwe kubva pamukova weguva?
3I razgovarahu među sobom: "Tko će nam otkotrljati kamen s vrata grobnih?"
4Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakange ratokunguruswa, nekuti raiva guru-guru.
4Pogledaju, a ono kamen otkotrljan. Bijaše doista veoma velik.
5Zvino vakati vachipinda muguva, vakaona jaya rakange rigere kurudyi, rakapfeka nguvo chena yakareba; vakavhunduka;
5I ušavši u grob, ugledaju mladića zaogrnuta bijelom haljinom gdje sjedi zdesna. I preplaše se.
6rikati kwavari: Musavhunduka; munotsvaka Jesu muNazareta wakarovererwa pamuchinjikwa; wamuka, haasi pano; tarirai panzvimbo pavakange vamuradzika.
6A on će im: "Ne plašite se! Isusa tražite, Nazarećanina, Raspetoga? Uskrsnu! Nije ovdje! Evo mjesta kamo ga položiše.
7Asi endai, mundoudza vadzidzi vake naPetro kuti unokutungamirirai kuGarirea, muchandomuonako sezvaakakuudzai.
7Nego idite, recite njegovim učenicima i Petru: Ide pred vama u Galileju! Ondje ćete ga vidjeti, kamo vam reče!"
8Vakabuda nekukurumidza vakatiza paguva; uyezve kudedera nekuvhunduka kwakavabata; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nekuti vakange vachitya.
8One iziđu i stanu bježati od groba: spopade ih strah i trepet. I nikomu ništa ne rekoše jer se bojahu.
9Zvino Jesu wakati amuka mangwanani-ngwanani newokutanga wevhiki, wakaonekwa pakutanga kuna Maria Magidharini, waakabudisa kwaari madhimoni manomwe.
9Uskrsnuvši dakle rano prvog dana u tjednu, ukaza se najprije Mariji Magdaleni iz koje bijaše istjerao sedam zloduha.
10Iye akaenda akaudza avo vaiva naye, pavaichema vachirira.
10Ona ode i dojavi njegovima, tužnima i zaplakanima.
11Naivo vanzwa kuti mupenyu, uye kuti wakange aonekwa naye, havana kutenda.
11Kad su oni čuli da je živ i da ga je ona vidjela, ne povjerovaše.
12Shure kweizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa.
12Nakon toga ukazao se u drugome obličju dvojici od njih na putu dok su išli u selo.
13Ivowo vakaenda, vakaudza vakange vasara; naivo vakasavatenda.
13I oni odu i dojave drugima. Ni njima ne povjerovaše.
14Pashure wakazviratidza kune vanegumi neumwe vagere pakudya, akamhura kusatenda kwavo neukukutu hwemoyo, nekuti havana kutenda vaya vakange vamuona amuka.
14Napokon se ukaza jedanaestorici dok bijahu za stolom. Prekori njihovu nevjeru i okorjelost srca što ne povjerovaše onima koji ga vidješe uskrsla od mrtvih.
15Akati kwavari: Endai munyika yose muparidze evhangeri kuchisikwa choga-choga.
15I reče im: "Pođite po svem svijetu, propovijedajte evanđelje svemu stvorenju.
16Uyo unotenda akabhabhatidzwa uchaponeswa; asi usingatendi uchapiwa mhosva.
16Tko uzvjeruje i pokrsti se, spasit će se, a tko ne uzvjeruje, osudit će se.
17Zviratidzo izvi zvichavatevera vanotenda: Muzita rangu vachabudisa madhimoni, vachataura nendimi itsva;
17A ovi će znakovi pratiti one koji uzvjeruju: u ime će moje izganjati zloduhe, novim će jezicima zboriti,
18vachanonga nyoka; kunyange vakamwa chero chinhu chinouraya, hachingatongovakuvadzi; vachaisa maoko pavarwere, vakapora.
18zmije uzimati; i popiju li što smrtonosno, ne, neće im nauditi; na nemoćnike će ruke polagati, i bit će im dobro."
19Naizvozvo Ishe shure kwekunge ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari.
19I Gospodin Isus, pošto im to reče, bude uzet na nebo i sjede zdesna Bogu.
20Ivo vakabuda, vakaparidza kose-kose, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Amen.
20Oni pak odoše i propovijedahu posvuda, a Gospodin surađivaše i utvrđivaše Riječ popratnim znakovima.