Shona

Welsh

Ezekiel

27

1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
1 Daeth gair yr ARGLWYDD ataf a dweud,
2Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, ita mariro pamusoro peTire;
2 "Fab dyn, cod alarnad am Tyrus.
3uti kuTire, Nhai iwe ugere pavanopinda pagungwa, iwe unoshambadzirana namarudzi avanhu pazviwi zvizhinji, zvanzi naIshe Jehovha, iwe Tire, wakati, Ndakakwana pakunaka.
3 Dywed wrth Tyrus sydd wrth fynedfa'r m�r, marsiandwr y bobloedd ar lawer o ynysoedd, 'Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW: Yr wyt ti, O Tyrus, yn dweud, "Yr wyf fi'n berffaith mewn prydferthwch."
4Nyika yako iri mumoyo wamakungwa; vavaki vako vakakwanisa kunaka kwako.
4 Y mae dy derfynau yng nghanol y moroedd; gwnaeth dy adeiladwyr dy brydferthwch yn berffaith.
5Vakaita mapuranga ako ose nemisipiresi inobva Seniri; vakatora musidhari weRebhanoni kukuitira danda rechikepe.
5 Gwnaethant dy holl waith coed o binwydd Senir, a chymryd cedrwydd Lebanon i wneud hwylbren iti.
6Matanda ako okukwasva nawo vakaaita nemiouki yeBhashani; vakaita zvigaro zvako pazvikepe nenyanga dzenzou dzakavezerwa mumapuranga emipaini yakabva kuzviwi zveKitimi
6 Gwnaethant dy rwyfau o dderw Basan, a'th fwrdd o binwydd goror Chittim, wedi ei addurno ag ifori.
7Maseiri ako aiva omucheka wakaisvonaka, wakasonerwa vukomba, aibva Egipita, kuti uve mureza wako; denga rako raiva romucheka mutema nomutsvuku waibva kuzviwi zveErisha.
7 Lliain wedi ei frodio o'r Aifft oedd dy hwyliau, ac yn gwneud baner iti; yr oedd dy gysgodlenni yn las a phorffor o ororau Elisa.
8Vakanga vagere Sidhoni neArivhadhi ndivo vaiva vakwasvi vako; vanhu vako vakachenjera, iwe Tire, vakanga vari mukati mako, ndivo vaiva vafambisi vezvikepe zvako.
8 Gwu375?r Sidon ac Arfad oedd dy rwyfwyr, ac yr oedd ynot ti, O Tyrus, wu375?r medrus �'u llaw ar y llyw.
9Vakuru veGebhari navakachenjera varo vaiva mukati mako vachikugadzirira paisinirira mvura; zvikepe zvose zvegungwa zvaiva mukati mako pamwechete navafambisi vazvo kuti vashambadzirane newe.
9 Yr oedd gwu375?r profiadol a medrus o Gebal ar dy fwrdd i gyweirio'r agennau; yr oedd holl longau'r m�r a'u dynion yn dod atat i farchnata dy nwyddau.
10Vanhu vePerisia neRudhi nePuti vaiva muhondo yako, vaiva varwi vako; vaiturikira mukati mako nhovo dzavo nengowani dzavo; vaikuitira mbiri.
10 Yr oedd gwu375?r Persia, Lydia a Phut yn filwyr yn dy fyddin, yn crogi eu tarianau a'u helmedau ynot; ac yr oeddent yn dy wneud yn hardd.
11Varume veArivhadhi vaiva pamusoro pamasvingo ako kumativi ose pamwechete nehondo yako, nemhare dzaiva pamusoro peshongwe dzako; vaiturika nhovo dzavo pamasvingo ako kumativi ose, vaikwanisa kunaka kwako.
11 Yr oedd gwu375?r Arfad a Helech ar dy furiau o amgylch, a gwu375?r Gammad yn dy dyrau; yr oeddent yn crogi eu tarianau ar dy furiau, ac yn gwneud dy brydferthwch yn berffaith.
12Tarishishi raishambadzirana newe nokuda kwefuma zhinji yamarudzi ose, vakatenga nhumbi dzako nesirivha nedare netini nomutobvu.
12 "'Yr oedd Tarsis yn marchnata gyda thi oherwydd dy holl gyfoeth, ac yn rhoi iti arian, haearn, alcam a phlwm yn gyfnewid am dy nwyddau.
13Nyika dzeJavhani, Tubhari, neMesheki ndivo vaitengerana newe, vaitenga nhumbi dzako nemiviri yavanhu nemidziyo yendarira.
13 Jafan, Tubal a Mesech oedd dy farsiand�wyr, ac yn cyfnewid caethweision a llestri pres yn dy farchnad.
14Veimba yaTogarima vakatenga nhumbi dzako namabhiza namabhiza ehondo namahesera.
14 Yr oedd rhai o Beth-togarma yn cyfnewid ceffylau, meirch a mulod am dy nwyddau.
15Varume veDhedhani ndivo vaitengerana newe; zviwi zvizhinji zvaiva nzvimbo pawaitengesa noruoko rwako; vaiuya nenyanga dzenzou namatanda omushuma kuzotsinhanha newe.
15 Yr oedd gwu375?r Rhodos yn farsiand�wyr i ti, ac ynysoedd lawer yn marchnata gyda thi, ac yn rhoi'n d�l iti gyrn ifori ac eboni.
16Nyika yeSiria yaishambadzirana newe nokuda kwezvizhinji zvako zvakaitwa namaoko; vakatenga nhumbi dzako namabwe esimaragidhino, nomucheka mutema, nezvakarukwa, nomucheka wakaisvonaka, nekorari, namabwe anovaima.
16 Yr oedd Aram yn marchnata gyda thi am fod gennyt ddigon o nwyddau, ac yn rhoi glasfeini, porffor, brodwaith, lliain, cwrel a gemau yn gyfnewid am dy nwyddau.
17Judha nenyika yaIsiraeri ndivo vaitengerana newe; vaitenga nhumbi dzako nezviyo zveMiniti, nezvinotapira, nohuchi, namafuta, nebharisami.
17 Yr oedd Jwda a gwlad Israel hefyd ymhlith dy farsiand�wyr, ac yn cyfnewid gwenith o Minnith, u375?d, m�l, olew a balm yn dy farchnad.
18Dhamasiko raishambadzirana newe richitenga zvizhinji zvako zvakaitwa namaoko, nokuda kwefuma zhinji yamarudzi ose, newaini yeHeribhoni nemvere chena.
18 Am fod gennyt ddigon o nwyddau a chyfoeth, yr oedd Damascus yn marchnata gyda thi win o Helbon a gwl�n o Sahar.
19Nyika dzeVedhani neJavhani dzakatenga nhumbi dzako nechinda; dare rinobwinya, nekasia, nekaramo ndizvo zvakanga zviri pakati penhumbi dzako.
19 Yr oedd Dan a Jafan o Usal yn rhoi haearn gyr, casia a chalamus yn gyfnewid am nwyddau yn dy farchnad.
20Dhedhani raikutengesera micheka inokosha yokutasvisa mabhiza nayo.
20 Yr oedd Dedan yn marchnata brethynnau ar gyfer dy gyfrwyau.
21Nyika yeArabhia namachinda ose enyika yeKedhari ndivo vaitenga pamaoko enyu; makwayana namakondobwe nembudzi ndizvo zvavaitenga kwauri.
21 Yr oedd Arabia a holl dywysogion Cedar yn bargeinio � thi ac yn cyfnewid u373?yn, hyrddod a geifr.
22Vatengesi veShebha neRaama ndivo vaitengerana newe; vaishambadzira nhumbi dzako nezvinonhuhwira zvakaisvonaka, namabwe ose anokosha, nendarama.
22 Yr oedd marsiand�wyr Sheba a Rama ymhlith dy farsiand�wyr, ac yn rhoi iti'n nwyddau y gorau o berlysiau a meini gwerthfawr ac aur.
23Harani neChane neEdheni ivo vatengesi veShebha neAshuri neKirimadhi ndivo vaitengerana newe.
23 Yr oedd Haran, Canne, Eden a marsiand�wyr Sheba, Asyria a Chilmad yn marchnata gyda thi.
24Ndivo vaitengerana newe nenhumbi dzakatsaurwa, nenguvo dzemicheka mitema nezvakarukwa, namabhokisi ezvokufuka zvinokosha, akasungwa namabote, akavezwa nemisidhari, pakati penhumbi dzako.
24 Yn dy farchnadoedd yr oeddent yn marchnata gwisgoedd heirdd, brethynnau gleision, brodwaith, a charpedi amryliw mewn rheffynnau wedi eu troi a'u clymu.
25Zvikepe zveTarishishi ndizvo zvaiimba pamusoro pako nokuda kwenhumbi dzako dzekutengeserana, iwe ukazadzwa, ukaitirwa mbiri mumoyo yamakungwa.
25 Llongau Tarsis oedd yn cludo dy nwyddau. Llanwyd di � llwyth trwm yng nghanol y moroedd.
26Vakwasvi vako vakakuisa kumvura zhinji; mhepo yokumabvazuva yakakuputsa mumoyo wamakungwa.
26 Aeth dy rwyfwyr � thi allan i'r moroedd mawr, ond y mae gwynt y dwyrain wedi dy ddryllio yng nghanol y moroedd.
27fuma yako, nenhumbi dzako, nezvokutengesa zvako, vafambisi vezvikepe zvako, navarairi vazvo, navagadziri vako panosinirira mvura, navashambadziri venhumbi dzako, navarwi vako vose, vari mukati mako, navanhu vako vazhinji vari mukati mako, zvose zvichawira mumoyo wamakungwa nezuva rokuparadzwa kwako.
27 "'Bydd dy gyfoeth, dy nwyddau, dy fasnach, dy forwyr, dy longwyr, dy seiri llongau, dy farchnatawyr, dy holl filwyr, a phawb arall sydd ar dy fwrdd yn suddo yng nghanol y m�r y diwrnod y dryllir di.
28Mafungu achadengenyeka nomubvumo wokudanidzira kwavarairi vezvikepe zvako.
28 "'Pan glywir cri dy longwyr, bydd yr arfordir yn crynu.
29Vose vanobata namatanda okukwasva, ivo vafambisi navarairi vose vapagungwa, vachaburuka pazvikepe zvavo; vachamira pamahombekombe,
29 Bydd yr holl rwyfwyr yn gadael eu llongau, a'r morwyr a'r llongwyr yn sefyll ar y lan,
30vachadana namanzwi avo pamusoro pako, vachachema kwazvo ; vachikushira guruva pamisoro yavo; vachaumburukira, mumadota;
30 yn gweiddi'n uchel ac yn wylo'n chwerw amdanat, yn rhoi llwch ar eu pennau ac yn ymdrybaeddu mewn lludw.
31vachazviita maparavara nouparavara nokuda kwako, vachazvisunga zvivuno namasaga, vachikuchema nemweya ine shungu kwazvo nokuchema kukuru.
31 Eilliant eu pennau o'th achos, a gwisgo sachliain; wylant yn chwerw amdanat mewn galar trist.
32Pakuchema kwavo vachakuitira mariro, vachachema pamisoro pako, vachiti, Ndianiko wakatongofanana neTire, wakaita saiye wakaparadzwa mukati megungwa?
32 Yn eu cwynfan a'u galar codant alarnad amdanat: "Pwy erioed a dawelwyd fel Tyrus yn nghanol y m�r?
33Panguva yakaenda nhumbi dzako kumakungwa, wakagutisa vanhu vazhinji; wakafumisa madzimambo enyika nefuma yako zhinji nezvawaitengesa.
33 Pan �i dy nwyddau allan ar y moroedd, yr oeddit yn diwallu llawer o genhedloedd; trwy dy gyfoeth mawr a'th nwyddau gwnaethost frenhinoedd y ddaear yn gyfoethog.
34Panguva yawakaputswa namakungwa mukati memvura zhinji yakadzika, nhumbi dzako navanhu vako vose zvakawira pasi mukati mako.
34 Ond yn awr yr wyt wedi dy ddryllio gan y m�r yn nyfnder y dyfroedd; aeth dy nwyddau a'th holl fintai i lawr i'th ganlyn.
35Vose vagere pazviwi vanoshamiswa pamusoro pako, madzimambo avo anotya kwazvo; zviso zvavo zvinodedera.
35 Brawychwyd holl drigolion yr ynysoedd o'th achos; y mae eu brenhinoedd yn crynu gan ofn, a phryder ar eu hwynebau.
36Vatengesi pakati pamarudzi avanhu vanokuridzira muridzo, wava chinhu chinotyisa, haungatongozovipo.
36 Y mae marsiand�wyr y cenhedloedd wedi eu syfrdanu o'th blegid; aethost yn ddychryn, ac ni cheir mohonot mwyach."'"