Shona

Welsh

Ezekiel

28

1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
1 Daeth gair yr ARGLWYDD ataf a dweud,
2Mwanakomana womunhu, iti kumuchinda weTire, zvanzi nalshe Jehovha, moyo wako zvawakazvikudza, iwe ukati, Ini ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari pakati pamakungwa, kunyange zvakadaro, uri munhu hako, hausi Mwari, kunyange wakamisa moyo wako somoyo waMwari;
2 "Fab dyn, dywed wrth lywodraethwr Tyrus, 'Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW: Ym malchder dy galon fe ddywedaist, "Yr wyf yn dduw, ac yn eistedd ar orsedd y duwiau yng nghanol y m�r." Ond dyn wyt, ac nid duw, er iti dybio dy fod fel duw �
3tarira, unokunda Dhanyeri pakuchenjera kwako, hakuna chakavanzika chausingazivi iwe;
3 yn ddoethach yn wir na Daniel, heb yr un gyfrinach yn guddiedig oddi wrthyt.
4wakazviwanira fuma nohuchenjeri hwako uye nokuziva kwako, ukazviwanira ndarama nesirivha muzvivigiro zvefuma yako;
4 Trwy dy ddoethineb a'th ddeall enillaist iti gyfoeth, a chael aur ac arian i'th ystordai.
5wakawedzera fuma yako nohuchenjeri hwako hukuru uye nokushambadzira kwako, moyo wako ukazvikudza nokuda kwefuma yako;
5 Trwy dy fedr mewn masnach cynyddaist dy gyfoeth, ac aeth dy galon i ymfalch�o ynddo.'
6naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvawakamisa moyo wako somoyo waMwari,
6 "Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW: 'Oherwydd iti dybio dy fod fel duw,
7naizvozvo tarira, ndinouyisa vatorwa pamusoro pako, ivo vanotyisa pakati pamarudzi ose; vachavhomorera kunaka kohuchenjeri hwako minondo yavo, vachasvibisa kubwinya kwako.
7 fe ddygaf estroniaid yn dy erbyn, y fwyaf didostur o'r cenhedloedd; tynnant eu cleddyfau yn erbyn gwychder dy ddoethineb, a thrywanu d'ogoniant.
8Vachakuburusira kugomba; uchafa nendufu dzavanourawa mumoyo wamakungwa.
8 Bwriant di i lawr i'r pwll, a byddi farw o'th glwyfau yn nyfnderoedd y m�r.
9Ko ungazoreva pamberi pounokuuraya, uchiti, Ndini Mwari? Asi uri munhu, hausi Mwari, muruoko rwaiye unokukuvadza.
9 A ddywedi, "Duw wyf fi," yng ngu373?ydd y rhai sy'n dy ladd? Dyn wyt, ac nid duw, yn nwylo'r rhai sy'n dy drywanu.
10Uchafa norufu rwousina kudzingiswa namaoko avatorwa, nekuti ndini ndakataura izvozvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
10 Byddi'n profi marwolaeth y dienwaededig trwy ddwylo estroniaid. Myfi a lefarodd,' medd yr Arglwydd DDUW."
11Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
11 Daeth gair yr ARGLWYDD ataf a dweud,
12Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari, zvanzi nalshe Jehovha, Iwe wokuisa chisimbiso chako pachiyero, uzere nohuchenjeri, hwakakwana pakunaka.
12 "Fab dyn, cod alarnad am frenin Tyrus a dywed wrtho, 'Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW: Yr oeddit yn esiampl o berffeithrwydd, yn llawn doethineb, a pherffaith dy brydferthwch.
13wakange uri paEdheni, mumunda waMwari; wakange wakafukidzwa namabwe anokosha amarudzi ose, anoti, saridhio netopasi nedhaimani nebheriri, neonikisi nejasipiri nesafiri nesimaragidhino nekaribhunikuri; ngoma dzako nenyere dzako dzakanga dzakaitwa nendarama mukati mako, zvakagadzirwa nezuva rokusikwa kwako.
13 Yr oeddit yn Eden, gardd Duw, a phob carreg werthfawr yn d'addurno � rhuddem, topas ac emrallt, eurfaen, onyx a iasbis, saffir, glasfaen a beryl, ac yr oedd dy fframiau a'th gerfiadau i gyd yn aur; ar ddydd dy eni y paratowyd hwy.
14Iwe wakange uri kerubhi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukava pamusoro pegomo dzvene raMwari; waifamba-famba pakati pamabwe omoto.
14 Fe'th osodais gyda cherwb gwarcheidiol wedi ei eneinio; yr oeddit ar fynydd sanctaidd Duw, ac yn cerdded ymysg y cerrig tanllyd.
15wakange wakakwana panzira dzako kubva pazuva rokusikwa kwako, kusvikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako.
15 Yr oeddit yn berffaith yn dy ffyrdd o ddydd dy eni, nes darganfod drygioni ynot.
16Nokuwanda kokushambadzira kwako vakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naizvozvo ndakakudzinga pagomo raMwari ndichiti uri chinhu chinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubhi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabwe omoto.
16 Fel yr amlhaodd dy fasnach fe'th lanwyd � thrais, ac fe bechaist. Felly fe'th fwriais allan fel peth aflan o fynydd Duw, ac esgymunodd y cerwb gwarcheidiol di o fysg y cerrig tanllyd.
17moyo wako wakazvikudza nokuda kokunaka kwako; wakaodza huchenjeri hwako nokuda kokubwinya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone.
17 Ymfalch�odd dy galon yn dy brydferthwch, a halogaist dy ddoethineb er mwyn d'ogoniant; lluchiais di i'r llawr, a'th adael i'r brenhinoedd edrych arnat.
18Nokuwanda kwezvakaipa zvako, nokusarurama kokushambadzira kwako, wakamhura nzvimbo dzako tsvene; naizvozvo ndakabudisa moto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona.
18 Trwy dy droseddau aml, ac anghyfiawnder dy fasnach, fe halogaist dy gysegrleoedd; felly gwneuthum i d�n ddod allan ohonot a'th ysu, a'th wneud yn lludw ar y ddaear yng ngu373?ydd pawb oedd yn edrych.
19Vose, vanokuziva pakati pamarudzi avanhu, vachashamiswa pamusoro pako; wava chinhu chinotyisa, haungazovi chinhu nokusingaperi.
19 Y mae pob un ymhlith y bobloedd sy'n d'adnabod wedi ei syfrdanu; aethost yn ddychryn, ac ni cheir mohonot mwyach.'"
20Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,
20 Daeth gair yr ARGLWYDD ataf a dweud,
21Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweSidhoni, uporofite pamusoro paro,
21 "Fab dyn, tro dy wyneb tua Sidon a phroffwyda yn ei herbyn,
22uti, zvanzi nashe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Sidhoni; ndichakudzwa mukati mako; vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinoita mukati maro izvo zvandakatonga, ndichiitwa mutsvene mukati maro.
22 a dywed, 'Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW: Yr wyf yn dy erbyn, O Sidon, ac amlygaf fy ngogoniant yn dy ganol. Byddant yn gwybod mai myfi yw'r ARGLWYDD, pan weithredaf fy nghosb arni ac amlygu fy sancteiddrwydd ynddi.
23nekuti ndichatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; vakakuvadzwa vachawira pasi mukati maro, kana munondo uchiuya pamusoro paro kumativi ose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
23 Anfonaf bla iddi, a thywallt gwaed ar ei heolydd; syrth y lladdedigion o'i mewn o achos y cleddyf sydd o'i hamgylch. Yna byddant yn gwybod mai myfi yw'r ARGLWYDD.'
24Hapachazovi norukato runorwadza imba yaIsiraeri, kana munzwa unokuvadza pakati pavaivakomberedza, vaivashoora; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
24 "Ni fydd gan du375? Israel mwyach fieri i'w pigo na drain i'w poeni ymysg yr holl gymdogion a fu'n eu dilorni. Yna byddant yn gwybod mai myfi yw'r Arglwydd DDUW.
25Zvanzi naIshe Jehovha, Nenguva yandinenge ndaunganidza imba yaIsiraeri kumarudzi avanhu kwavakanga vakaparadzirwa, ndikaitwa mutsvene pakati pamberi pamarudzi, nenguva iyo vachagara munyika yavo yandakapa muranda wangu Jakove.
25 "Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW: 'Pan gasglaf du375? Israel o fysg y bobloedd lle gwasgarwyd hwy, ac amlygu fy sancteiddrwydd ynddynt yng ngu373?ydd y cenhedloedd, c�nt fyw yn eu tir eu hunain, a roddais i'm gwas Jacob.
26Vachagaramo vakachengetwa; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, nokusima minda yemizambiringa, vachagara vakachengetwa, kana ndaita zvandakatonga pamusoro pavose vakavapoteredza vanovashora; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.
26 Byddant yn byw'n ddiogel yno, yn codi tai ac yn plannu gwinllannoedd; byddant yn byw'n ddiogel pan fyddaf fi'n gweithredu barn ar yr holl gymdogion a fu'n eu dilorni. Yna byddant yn gwybod mai myfi yw'r ARGLWYDD eu Duw.'"