Shona

Danish

Deuteronomy

33

1Zvino ndiko kuropafadza Mozisi, munhu waMwari, kwaakaropafadza nako vana vaIsiraeri, asati afa.
1Dette er den Velsignelse, hvormed den Guds Mand Moses velsignede Israel før sin Død
2Akati,Jehovha wakabva Sinai, Akavabudira achibva Seiri; Akapenya ari pagomo reParani, Akauya achibva pazviuru zvinegumi zvavatsvene; Paruoko rwake rworudyi pakanga pano murayiro womoto kwavari.
2Han sagde: HERREN kom fra Sinaj, fra Seir fremstråled han for dem, brød frem i Lysglans fra Parans Bjerge og kom fra Meribat Kadesj. Ved hans højre lued Ild dem i Møde.
3Zvirokwazvo unoda ndudzi; Vatsvene vake vose vari paruoko rwenyu; Vakagara pasi patsoka dzenyu; Mumwe nomumwe uchagamuchira mashoko enyu.
3Visselig, han elsker sit Folk, alle hans hellige er i hans Hænder; og de sætter sig ved din Fod og tager mod Ord fra dig.
4Mozisi wakatiraira murayiro, Ndiyo nhaka yeungano yaJakove.
4En Lov har Moses pålagt os. Hans Eje er Jakobs Forsamling,
5wakange ari mambo paJeshuruni, Pakuungana kwavakuru vavanhu, Marudzi ose avaIsiraeri pamwechete.
5og han blev Konge i Jesjurun, da Folkets Høvdinger kom sammen, og Israels Stammer forsamled sig.
6Rubheni ngaararame, arege kufa, Asi vanhu vake ngavave vashoma havo.
6Måtte Ruben leve og ikke dø, hans Mænd blive dog et Tal!
7Kuropafadzwa kwaJudha ndiko: Akati,
7Og disse Ord sagde han om Juda: Hør, HERRE, Judas Råb og lad ham komme til sit Folk! Strid for ham med dine Hænder, vær ham en Hjælp mod hans Fjender!
8Pamusoro paRevhi wakati, Tumimu yenyu neUrimi yenyu ndezva unodikamwa nemi,Iye wamakaidza paMasa, Wamakarwa naye pamvura yeMeribha;
8Om Levi sagde han: Giv Levi dine Tummim, din Yndling dine Urim, ham, som du prøved ved Massa og bekæmped ved Meribas Vand,
9Iye wakati pamusoro pababa vake namai vake, handina kumuona; Nehama dzake haana kudzirangarira, Kana kuziva vana vake, nekuti vakaita shoko renyu, Nokuchengeta sungano yenyu.
9som sagde om sin Fader: "Jeg så ham aldrig!" som ikke brød sig om sine Brødre og ikke kendtes ved sine Sønner, thi de holdt dit Ord og holdt fast ved din Pagt.
10Vachadzidzisa Jakove zvamakatonga, NaIsiraeri murayiro wenyu; Vachaisa zvinonhuhwira pamberi penyu, Nezvipiriso zvinopiswa zvakakwana paaritari dzenyu.
10De skal lære Jakob dine Lovbud og Israel din Lov, bringe Offerduft op i din Næse og Helofre på dine Altre.
11Jehovha, ropafadzai simba rake, Gamuchirai basa ramaoko ake; Gurai zviuno zvavanomumukira, Nezvavanomuvenga, kuti varege kusimukazve.
11Velsign, o HERRE, hans Kraft, find Behag i hans Hænders Værk. Knus Lænderne på hans Fjender, på hans Avindsmænd, så de ej rejser sig mer!
12Pamusoro paBhenjamini wakati, Mudikamwa waJehovha uchagara kwaari akachengetwa; Unomufukidza zuva rose, Unogara pakati pamafudzi ake.
12Om Benjamin sagde han: Benjamin er HERRENs Yndling, han bor bestandig i Tryghed, den Højeste skærmer ham og bor imellem hans Skrænter.
13Pamusoro paJosefa wakati, Nyika yake ngairopafadzwe naJehovha, Ipiwe zvinhu zvakanakisa zvokudenga, nedova, Nemvura inogara makadzika;
13Om Josef sagde han: Hans Land er velsignet af HERREN med det kosteligste fra Himlen oventil og fra Dybet, som ruger for neden,
14Nezvinhu zvakanakisa zvezvibereko zvezuva,Nezvinhu zvakanakisa zvinomedzwa nomwedzi;
14med det kosteligste, Solen frembringer, med det kosteligste, Måneskifterne fremkalder,
15Nezvinhu zvakanaka zvamakomo ekare, Nezvinhu zvakanakisa zvezvikomo zvisingaperi,
15med det bedste fra de ældgamle Bjerge og det kosteligste fra de evige Høje,
16Nezvinhu zvakanakisa zvenyika nokuzara kwayo, Nomoyo wakanaka waiye wakange agere mugwenzi; Kuropafadzwa ngakuuye pamusoro waJosefa, Napamusoro pomusoro waiye wakatsaurwa pakati pehama dzake.
16med det kosteligste af Jorden og dens Fylde og Nåde fra ham, der boede i Tornebusken. Det skal komme over Josefs Hoved, over Issen på ham, som er Hersker blandt sine Brødre.
17Mwana wemhongora wemombe dzake, ndihwo umambo hwake; Nyanga dzake inyanga dzenyati; Nadzo uchabaya ndudzi dzose dzavo, namagumisiro enyika; Ndivo vane zviuru zvamazana zvine gumi zvaEfuremu, Ndivo vane zviuru zvaManase.
17Som den unge Okses er hans Højhed, som Vildoksens er hans Horn; med dem nedstøder han Folkene, så vidt som Jorden strækker sig. Sådan er Efraims Titusinder, sådan er Manasses Tusinder!
18Pamusoro paZebhuruni wakati, Chifara, Zebhuruni, pakubuda kwako, Newe Isakari, pamatende ako.
18Om Zebulon sagde han: Glæd dig, Zebulon, over din Udfart, du, Issakar, over dine Telte!
19Vachadanira vanhu kumakomo; Ipapo vachauya nezvibayiro zvokururama. Nekuti vachamwa fuma zhinji yamakungwa, Nefuma zhinji yakavanzwa nejecha.
19Til Bjerget stævner de Folkeslag, der ofrer de Retfærds Ofre, thi Havets Overflod dier de og Havsandets skjulteste Skatte!
20Pamusoro paGadhi wakati, Unokurisa Gadhi ngaaropafadzwe; Iye unogara seshumbakadzi, Unobvambura ruoko, kunyange nomusoro.
20Om Gad sagde han: Priset være han, der skaffer Plads for Gad! Han ligger som en Løve og flænger både Arme og Hjerneskal;
21Wakazvitsaurira mugove wokutanga; nekuti ndipapo pakachengetwa mugove womubati; Wakauya navakuru vavanhu; Wakaita zvakarurama zvaJehovha, Nezvaakatonga pamusoro paIsiraeri.
21han udså sig en Forlodsdel, thi der tilfaldt hans Lod ham. Og Folkets Høvdinger samled sig. Han fuldbyrdede HERRENs Ret og hans Beslutninger sammen med Israel!
22Pamusoro paDhani wakati, Dhani ndiye mwana weshumba, Unokwakuka achibva Bhashani.
22Om Dan sagde han: Dan er en Løveunge, som springer frem fra Basan.
23Pamusoro paNafutari wakati, Iwe Nafutari, wakaguta nyasha, Uzere nokuropafadzwa naJehovha; Tora mavirazuva nenyasi zvive zvako.
23Om Naftali sagde han: Naftali er mæt af Nåde og fuld af HERRENs Velsignelse, Søen og Søvejen har han i Eje.
24Pamusoro paAsheri wakati, Asheri ngaaropafadzwe apiwe vana; Ngaadikamwe nehama dzake, Ngaanyike rutsoka rwake mumafuta.
24Om Aser sagde han: Aser være den velsignede blandt Sønnerne, han være sine Brødres Yndling og dyppe sin Fod i Olie!
25Zvipfigiso zvako zvichava zvamatare nendarira; Uye semazuva ako ndizvo zvizchita simba rako.
25Dine Portslåer er Jern og Kobber, som dine dage skal din Styrke være.
26Iwe Jeshuruni, hakuna wakafanana naMwari, Iye unotasva denga kuti akubatsire, Napamusoro pamakore noukuru hwake.
26Der er ingen som Jesjuruns Gud, der farer frem over Himmelen for at hjælpe dig, over Skyerne i sin Højhed!
27Mwari usingaperi ndihwo ugaro hwako, Pasi pako kuna maoko asingaperi; Iye wakadzinga vavengi pamberi pako, Akati, Paradzai.
27Den evige Gud er en Bolig, og hernede er de evige Arme. Fjenden drev han bort for dit Åsyn og sagde: "Tilintetgør dem!"
28Isiraeri unogara akachengetwa, Tsime raJakove riri roga, Panyika yezviyo newaini; Denga rake rose rinonisa dova.
28Så kom Israel til at bo i Tryghed, Jakobkilden for sig selv, i et Land med Korn og Most, ja, hvis Himmel drypper med Dug.
29Isiraeri, iwe wakaropafadzwa; Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakachengetwa naJehovha? Ndiye nhovo inokubatsira, Nomunondo waunokudzwa nawo! Vavengi vako vachazviisa pasi pako,Newe uchatsika panzvimbo dzavo dzakakwirira.
29Held dig, Israel, hvo er som du, et Folk, der får Sejr ved HERREN! Han er din Frelses Skjold, haner din Højheds Sværd. Dine Fjender slesker for dig, over deres Høje skrider du frem.