1Zvino Joshua wakange akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu.
1Da Josua var blevet gammel og til Års, sagde HERREN til ham: "Du er blevet gammel og til Års, og der er endnu såre meget tilbage af Landet at indtage.
2Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzavaFirisitia, navaGeshuri vose;
2Dette er det Land, som er tilbage: Hele Filisternes Landområde og alle Gesjuriterne,
3kubva paShihori kurutivi rweEgipita, kusvikira kumuganhu weEkironi kumusoro, wainzi ndowavaKanani; madzishe mashanu avaFirisitia, vaiti: WeGaza, noweAshidhodhi, noweAshikeroni, noweGiti, noweEkironi, navaAvhimi,
3Landet fra Sjihor østen for Ægypten indtil Ekrons Landemærke i Nord det regnes til Kana'anæerne de fem Filisterfyrster i Gaza, Asdod, Askalon, Gat og Ekron, desuden Avviterne
4kurutivi rweZasi, nyika yose yavaKanani, neMeara, waiva wavaZidhoni, kusvikira paAfeki, kusvikira kumuganhu wavaAmori;
4mod Syd, hele Kana'anæerlandet fra Meara, som tilhører Zidonierne, indtil Afek og til Amoriternes Landemærke,
5nenyika yavaGebhari, neRebhanoni rose kumabvazuva, kubva paBhaari-gadhi panjinga pegomo reHemoni, kusvikira pavanopinda paHamati;
5og det Land, som mod Øst grænser til Libanon fra Ba'al Gad ved Hermonbjergets Fod til Egnen hen imod Hamat.
6vanhu vose vagere panyika yamakomo, kubva paRebhanoni kusvikira paMisirefotimaimi, navaZidhoni vose, ivavo ndichavadzinga pamberi pavana vaIsiraeri; asi iwe unofanira kuipa vana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, sezvandakakuraira.
6Alle Indbyggerne i Bjerglandet fra Libanon til Misrefot Majim, alle Zidonierne, vil jeg drive bort foran Israeliterne. Tildel kun Israel det som Ejendom, således som jeg har pålagt dig.
7Zvino unofanira kugovera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase, ive nhaka yavo.
7Udskift derfor dette Land som Ejendom til de halvtiende Stammer." Manasses halve Stamme
8VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMozisi mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMozisi, muranda waJehovha;
8såvel som Rubeniterne og Gaditerne havde nemlig fået deres Arvelod, som Moses gav dem hinsides Jordan, på Østsiden, således som HERRENs Tjener Moses gav dem,
9kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose reMedhebha kusvikira paDhibhoni;
9fra Aroer ved Arnonflodens Bred og Byen midt nede i Dalen, hele Højsletten fra Medeba til Dibon,
10namaguta ose aSihoni, mambo wavaAmori, wakange achibata ushe paHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavana vaAmoni;
10alle de Byer, som havde tilhørt Amoriterkongen Sibon, der herskede i Hesjbon, indtil Ammoniternes Landemærke,
11neGiriyadhi, nenyika yavaGeshuri navaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvikira paSareka,
11fremdeles Gilead og Gesjuriternes og Ma'akatiternes Landemærke, hele Hermonbjerget og hele Basan indtil Salka,
12noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakange achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakange asara pavaRefaimu); nekuti ndivo vakanga vakundwa naMozisi vakadzingwa naye.
12hele det Rige, der havde tilhørt Og af Basan, som herskede i Asjtarot og Edrei, den sidste, der var tilbage af Refaiterne; Moses havde overvundet dem alle og drevet dem bort.
13Kunyange zvakadaro vana vaIsiraeri havana kudzinga vaGeshuri kana vaMaakati, asi vaGeshuri navaMaakati vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira nhasi.
13Men Israeliterne drev ikke Gesjuriterne og Ma'akatiterne bort, så at Gesjur og Ma'akat bor i blandt Israel den Dag i bag.
14Asi rudzi rwavaRevhichetehaana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye.
14Kun Levis Stamme gav han ingen Arvelod; HERREN, Israels Gud, er hans Arvelod, således som han tilsagde ham.
15Joshua akapa rudzi rwavana vaRubheni mugove wavo nedzimba dzavo.
15Moses gav Rubeniternes Stamme Land, Slægt for Slægt,
16Nyika yavo yakabva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose paMedhebha;
16og de fik deres Område fra Aroer ved Arnonflodens Bred og Byen midt nede i Dalen, hele Højsletten indtil
17Heshibhoni namaguta aro ose ari pabani; Dhibhoni, neBhamoti-bhaari, neBheti-bhaari-meoni;
17Hesjbon og alle de Byer, som ligger på Højsletten, Dibon, Bamot Ba'al, Bet Ba'al Meon,
18neJahazi, neKedhemoti, neMefahati;
18Jaza, Kedemot, Mefa'at,
19neKiriataimi, neSibhima, neZereti-shahari mugomo romupata;
19Kirjatajim, Sibma, Zeret Sjahar på Dalbjerget,
20neBheti-peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti-jeshimoti,
20Bet-Peor ved Pisgas Skrænter. Bet-Jesjimot
21namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, wakange achibata ushe paHeshibhoni, wakange akundwa naMozisi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo.
21og alle de andre Byer på Højsletten og hele det Rige, der havde tilhørt Amoriterkongen Sibon, som herskede i Hesjbon, hvem Moses havde overvundet tillige med Midjans Fyrster Evi, Rekem, Zur, Hur og Reba, der var Sihons Lydkonger og boede i Landet;
22Bharamu, mwanakomana waBheori, muvuki, naiyewo wakaurawa nomunondo navana vaIsiraeri pakati pavamwe vakaurawa navo.
22også Sandsigeren Bileam, Beors Søn, havde Israeliterne dræbt med Sværdet sammen med de andre af dem, der blev slået ihjel.
23Muganhu wavana vaRubheni rwakanga ruri Joridhani nenyika yarwo. Ndiyo yaiva nhaka yavana vaRubheni nemhuri dzavo, iwo maguta nemisha yawo.
23Rubeniternes Grænse blev Jordan; den var Grænseskel. Det var Rubeniternes Arvelod efter deres Slægter, de nævnte Byer med Landsbyer.
24Mozisi akapa rudzi rwavaGadhi, ivo vana vaGadhi, mugove wavo nemhuri dzavo.
24Og Moses gav Gads Stamme, Gaditerne, Land, Slægt for Slægt,
25Nyika yavo raiva Jazeri, namaguta ose eGiriyadhi, nehafu yenyika yavana vaAmoni, kusvikira paAroeri, pamberi peRabha;
25og de fik følgende Landområde: Jazer og alle Byerne i Gilead og Halvdelen af Ammoniternes Land indtil Aroer, som ligger østen for Rabba,
26nokubva paHeshibhoni, kusvikira paRamati-mizipe, neBhetonimu; nokubva paMahanaimu, kusvikira pamuganhu weDhebhiri;
26og Landet fra Hesjbon til Ramat-Mizpe og Betonim, og fra Mahanajim til Lodebars Landemærke;
27nomumupata Bheti-harami, neBhetinemura, neSukoti, neZafoni, nohumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni, mambo weHeshibhoni, neJoridhani nenyika yarwo, kusvikira pamagumisiro egungwa reKineroti, mhiri kwaJoridhani, kumabvazuva.
27og i Lavningen Bet-Haram, Bet-Nimra, Sukkot og Zafon, Resten af Kong Sihon af Hesjbons Rige, med Jordan til Grænse, indtil Enden af Kinnerets Sø, hinsides Jordan, på Østsiden.
28Ndiyo nhaka yavana vaGadhi nemhuri dzavo iwo maguta nemisha yawo.
28Det var Gaditernes Arvelod efter deres Slægter: de nævnte Byer med Landsbyer.
29Mozisi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo; ndiyo yaiva nhaka yehafu yorudzi rwavana vaManase nemhuri dzavo.
29Og Moses gav Manasses halve Stamme Land, Slægt for Slægt;
30Nyika yavo yakabva paMahanaimu, neBhashani rose, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu;
30og deres Landområde strakte sig fra Mahanajim over hele Basan, hele Kong Og af Basans Rige og alle Jairs Teltbyer, som ligger i Basan, tresindstyve Byer,
31nehafu yeGiriyadhi, neAshitaroti, neEdhirei, maguta oushe hwaOgi paBhashani, ndiyo yaiva yavana vaMakiri, mwanakomana waManase, yehafu yavana vaMakiri nemhuri dzavo.
31Halvdelen af Gilead og Asjtarot og Edre'i, Ogs Kongsbyer i Basan; det gav han Manasses Søn Makirs Sønner, Halvdelen af Makirs Sønner, Slægt for Slægt.
32Ndidzo nhaka dzakagoverwa naMozisi pamapani aMoabhu, mhiri kwaJoridhani paJeriko kumabvazuva.
32Det er alt, hvad Moses udskiftede på Moabs Sletter hinsides Jordan over for Jeriko, på Østsiden.
33Asi rudzi rwavaRevhi haruna kupiwa nhaka naMozisi; Jehovha Mwari waIsiraeri, iye amene, ndiyo nhaka yavo, sezvavakaudzwa naye.
33Men Levis Stamme gav Moses ingen Arvelod; HERREN, Israels Gud, er deres Arvelod, således som han tilsagde dem.