1Pamusoro pazvo, hama, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, yamagamuchirawo, neyamumire mairi;
1But I make known to you, brethren, the glad tidings which I announced to you, which also ye received, in which also ye stand,
2iyo yamunoponeswawo nayo, kana muchibatisisa manzwi eevhangeri andakaparidza kwamuri, kunze kwekuti makatenda pasina.
2by which also ye are saved, (if ye hold fast the word which I announced to you as the glad tidings,) unless indeed ye have believed in vain.
3Nekuti ndakakumikidza kwamuri pakutanga izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, zvichienderana nemagwaro;
3For I delivered to you, in the first place, what also I had received, that Christ died for our sins, according to the scriptures;
4uye kuti wakavigwa, uye kuti wakamutswa zuva retatu, zvichienderana nemagwaro;
4and that he was buried; and that he was raised the third day, according to the scriptures;
5uye kuti wakaonekwa kuna Kefasi, pashure kune vanegumi nevaviri;
5and that he appeared to Cephas, then to the twelve.
6shure kweizvozvo wakaonekwa kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe, vazhinji vavo vachiripo kusvikira zvino, asi vamwe varara;
6Then he appeared to above five hundred brethren at once, of whom the most remain until now, but some also have fallen asleep.
7shure kweizvozvo wakaonekwa kuna Jakobho; ipapo kuvaapositori vose.
7Then he appeared to James; then to all the apostles;
8Uye pakupedzisira akaonekwa neniwo, sekune wakazvarwa nguva isina kufanira.
8and last of all, as to an abortion, he appeared to *me* also.
9Nekuti ini ndiri mudukusa wevaapositori, zvekuti handifaniri kunzi muapositori, nekuti ndakashusha kereke yaMwari.
9For *I* am the least of the apostles, who am not fit to be called apostle, because I have persecuted the assembly of God.
10Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye nyasha dzake dziri kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vose; zvakadaro handisi ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.
10But by God's grace I am what I am; and his grace, which [was] towards me, has not been vain; but I have laboured more abundantly than they all, but not *I*, but the grace of God which [was] with me.
11Naizvozvo, kana ndiri ini kana ivo, saizvozvo tinoparidza uye saizvozvo makatenda.
11Whether, therefore, I or they, thus we preach, and thus ye have believed.
12Zvino kana Kristu achiparidzwa kuti wakamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva sei kuti hakuna kumuka kwevakafa?
12Now if Christ is preached that he is raised from among [the] dead, how say some among you that there is not a resurrection of [those that are] dead?
13Asi dai pasina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswa;
13But if there is not a resurrection of [those that are] dead, neither is Christ raised:
14uye kana Kristu asina kumutswa, naizvozvo kuparidza kwedu hakuna maturo, nerutendo rwenyuwo harwuna maturo,
14but if Christ is not raised, then, indeed, vain also [is] our preaching, and vain also your faith.
15nesuwo tinowanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nekuti takapupura kuti Mwari wakamutsa Kristu iye waasina kumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi.
15And we are found also false witnesses of God; for we have witnessed concerning God that he raised the Christ, whom he has not raised if indeed [those that are] dead are not raised.
16Nekuti kana vakafa vasingamutswi, Kristu haana kumutswawo;
16For if [those that are] dead are not raised, neither is Christ raised;
17uye kana Kristu asina kumutswa, rutendo rwenyu harwuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.
17but if Christ be not raised, your faith [is] vain; ye are yet in your sins.
18Zvino naivo varere muna Kristu vaparara.
18Then indeed also those who have fallen asleep in Christ have perished.
19Kana tine tariro muna Kristu paupenyu hwuno chete, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose.
19If in this life only we have hope in Christ, we are [the] most miserable of all men.
20Asi ikozvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chekutanga chevarere.
20(But now Christ is raised from among [the] dead, first-fruits of those fallen asleep.
21Nekuti nemunhu rufu rwakauya, uye nemunhu kumuka kwevakafa kwakauya.
21For since by man [came] death, by man also resurrection of [those that are] dead.
22Nekuti vose muna Adhamu sezvavanofa, saizvozvovo vose muna Kristu vachararamiswa.
22For as in the Adam all die, thus also in the Christ all shall be made alive.
23Asi umwe neumwe padzoro rake; Kristu chibereko chekutanga, tevere avo vari vaKristu pakuuya kwake,
23But each in his own rank: [the] first-fruits, Christ; then those that are the Christ's at his coming.
24kozouya kuguma, paachazokumikidza umambo kuna Mwari, ivo Baba paachaparadza kutonga kose neushe hwose nesimba.
24Then the end, when he gives up the kingdom to him [who is] God and Father; when he shall have annulled all rule and all authority and power.
25Nekuti unofanira kutonga, kusvikira aisa vavengi vose pasi petsoka dzake.
25For he must reign until he put all enemies under his feet.
26Muvengi wokupedzisira uchaparadzwa rufu.
26[The] last enemy [that] is annulled [is] death.
27Nekuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Asi kana achiti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti iye uri kunze kwazvo wakaisa zvinhu zvose pasi pake.
27For he has put all things in subjection under his feet. But when he says that all things are put in subjection, [it is] evident that [it is] except him who put all things in subjection to him.
28Zvino kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake, ipapo neMwanakomanawo amene uchaiswa pasi paiye wakaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kune zvose.
28But when all things shall have been brought into subjection to him, then the Son also himself shall be placed in subjection to him who put all things in subjection to him, that God may be all in all.)
29Zvikasadaro, avo vanobhabhatidzirwa vakafa vachaita sei kana vakafa vasingatongomutswi? vakagobhabhatidzirwa ivo vakafa nemhaka yei?
29Since what shall the baptised for the dead do if [those that are] dead rise not at all? why also are they baptised for them?
30Nemhaka yeiko nesu tiri panjodzi nguva imwe neimwe?
30Why do *we* also endanger ourselves every hour?
31Ndinofa zuva nezuva, ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu.
31Daily I die, by your boasting which I have in Christ Jesus our Lord.
32Kana ndakarwa nenzira yevanhu nezvikara paEfeso, zvinondibatsirei kana vakafa vasingamutswi? Ngatidye nekumwa, nekuti mangwana tinofa.
32If, [to speak] after the manner of man, I have fought with beasts in Ephesus, what is the profit to me if [those that are] dead do not rise? let us eat and drink; for to-morrow we die.
33Musanyengerwa; kushamwaridzana nevakaipa kunoodza tsika dzakanaka.
33Be not deceived: evil communications corrupt good manners.
34Pengenukai kune zvakarurama uye musatadza, nekuti vamwe vane kusaziva Mwari; ndinotaura kuti munyare.
34Awake up righteously, and sin not; for some are ignorant of God: I speak to you as a matter of shame.
35Asi mumwe ungati: Vakafa vachamutswa sei? Uye vachauya nemuviri wakaita sei?
35But some one will say, How are the dead raised? and with what body do they come?
36Dununu, icho chaunodzvara hachiitwi chipenyu kunze kwekuti chafa;
36Fool; what *thou* sowest is not quickened unless it die.
37uye icho chaunodzvara, haudzvari muviri uchavapo, asi tsanga isina chinhu, kana yemapfunde kana yezvimwe;
37And what thou sowest, thou sowest not the body that shall be, but a bare grain: it may be of wheat, or some one of the rest:
38asi Mwari unoipa muviri paanoda napo, nekumbeu imwe neimwe muviri wayo.
38and God gives to it a body as he has pleased, and to each of the seeds its own body.
39Nyama yose haisi nyama imwe; asi imwe nyama ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe yehove, imwe yeshiri.
39Every flesh [is] not the same flesh, but one [is] of men, and another flesh of beasts, and another [flesh] of birds, and another of fishes.
40kune miviriwo yekudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyekudenga ndekumwe, asi kweyenyika ndekumwewo.
40And [there are] heavenly bodies, and earthly bodies: but different is the glory of the heavenly, different that of the earthly:
41Kumwe kubwinya ndekwezuva, asi kumwe kubwinya ndekwemwedzi, uye kumwe kubwinya ndekwenyeredzi, nekuti imwe nyeredzi inosiyana neimwe nyeredzi pakubwinya.
41one [the] sun's glory, and another [the] moon's glory, and another [the] stars' glory; for star differs from star in glory.
42Kwakadarowo kumuka kwevakafa. Kunodzvarwa mukuora, kunomutswa mukusaora;
42Thus also [is] the resurrection of the dead. It is sown in corruption, it is raised in incorruptibility.
43kunodzvarwa mukuzvidzwa, kunomutswa mukubwinya; kunodzvarwa muutera, kunomutswa musimba.
43It is sown in dishonour, it is raised in glory. It is sown in weakness, it is raised in power.
44Kunodzvarwa kuri muviri wechisikigo, kunomutswa kuri muviri wemweya. kune muviri wechisikigo, uye kune muviri wemweya.
44It is sown a natural body, it is raised a spiritual body: if there is a natural body, there is also a spiritual [one].
45Zvakanyorwa saizvozvowo, zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa mweya mupenyu; Adhamu wokupedzisira mweya unoraramisa.
45Thus also it is written, The first man Adam became a living soul; the last Adam a quickening spirit.
46Asi zvekutanga hazvisi zvemweya asi zvechisikigo; tevere zvemweya.
46But that which is spiritual [was] not first, but that which is natural, then that which is spiritual:
47Munhu wekutanga wakabva panyika, ndewevhu; munhu wechipiri ndiIshe wakabva kudenga.
47the first man out of [the] earth, made of dust; the second man, out of heaven.
48Sewevhu, ndizvo zvakaitawo avo vevhu; uye sewekudenga, ndizvo zvakaitawo vekudenga.
48Such as he made of dust, such also those made of dust; and such as the heavenly [one], such also the heavenly [ones].
49Uye sezvatakanga tine chimiro chewevhu, tichavawo nechimiro chewekudenga.
49And as we have borne the image of the [one] made of dust, we shall bear also the image of the heavenly [one].
50Zvino ndinoreva izvi, hama, kuti nyama neropa hazvingagoni kugara nhaka yeushe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yekusaora.
50But this I say, brethren, that flesh and blood cannot inherit God's kingdom, nor does corruption inherit incorruptibility.
51Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;
51Behold, I tell you a mystery: We shall not all fall asleep, but we shall all be changed,
52nenguva dukuduku, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nekuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora; nesu tichashandurwa;
52in an instant, in [the] twinkling of an eye, at the last trumpet; for the trumpet shall sound, and the dead shall be raised incorruptible, and *we* shall be changed.
53Nekuti ichi chinoora chinofanira kufuka kusaora; nechichi chinofa chifuke kusafa.
53For this corruptible must needs put on incorruptibility, and this mortal put on immortality.
54Zvino kana ichi chinoora chafuka kusaora; nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo richaitika shoko rakanyorwa rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.
54But when this corruptible shall have put on incorruptibility, and this mortal shall have put on immortality, then shall come to pass the word written: Death has been swallowed up in victory.
55Rufu, rumborera rwako ruripi? Guva, kukunda kwako kuripi?
55Where, O death, [is] thy sting? where, O death, thy victory?
56Rumborera rwerufu chivi, nesimba rechivi murairo.
56Now the sting of death [is] sin, and the power of sin the law;
57Zvino ngaavongwe Mwari unotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
57but thanks to God, who gives us the victory by our Lord Jesus Christ.
58Naizvozvo, hama dzangu dzinodikamwa, mirai makasimba, musingazungunuswi, muchigara muchiwedzerwa pabasa raIshe muchiziva kuti kubata kwenyu hakusi pasina muna Ishe.
58So then, my beloved brethren, be firm, immovable, abounding always in the work of the Lord, knowing that your toil is not in vain in [the] Lord.