Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Hosea

14

1Aiwa, imwi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nekuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu.
2Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu.
3Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nekuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.
4Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nekuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari.
5Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni.
6Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuhwira kwavo sokweRebhanoni.
7Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachavandudzika sezviyo, nokutunga maruva somuzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni.
8Efuremu, ndichineiko nezvifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuonde mutema, zvibereko zvako zvichawanikwa kwandiri.
9Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? nekuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.