1Shoko raJehovha, rakasvika kuna Joweri mwanakomana waPetuweri.
2Inzwai chinhu ichi, imwi vatana, murereke nzeve dzenyu, imwi mose mugere munyika ino. Ko zvakadai zvakamboitwa pamazuva enyu, kana pamazuva amadzibaba enyu here?
3Udzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudzewo vana vavo, navana vavo vaudze rumwe rudzi runotevera.
4Zvakasiiwa nomuteteni, zvakadyiwa nemhashu; zvakasiiwa nemhashu, zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiiwa negwatakwata, zvakadyiwa nomupedzachose.
5Mukai, imwi vakabatwa nedoro, mucheme; ungudzai, imwi mose munomwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nekuti yabviswa pamiromo yenyu.
6nekuti rumwe rudzi rwasvika panyika yangu, rwakasimba, rusingaverengwi; meno arwo meno eshumba, runa meno makuru eshumbakadzi.
7Rwakaparadza muzambiringa wangu, nokuvhuna muonde wangu; rwakausvuura kwazvo, nokuuwisira pasi; matavi awo acheneswa.
8Chemai semhandara yakazvisunga chiuno namasaga nokuda komurume woumhandara hwayo.
9Chipiriso choupfu nechipiriso chinomwiwa zvabviswa paimba yaJehovha; vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, vanochema.
10Munda waparadzwa, nyika inochema; nekuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera.
11Nyarai imwi varimi, ungudzai imwi varimi vemizambiringa, nokuda kwezviyo nebhari; nekuti zvakaberekwa neminda zvaparadzwa.
12Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera.
13Zvisungei zviuno namasaga, mucheme imwi vapristi; ungudzai imwi vashumiri veatari; uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imwi vashumiri vaMwari wangu; nekuti chipiriso choupfu nechipiriso chinomwiwa zvadziviswa paimba yaMwari wenyu.
14Tsaurai zuva rokutsanya, danai vanhu kuungano yakatarwa, kokerai vakuru navose vagere panyika kuimba yaJehovha Mwari wenyu, mudane kuna Jehovha.
15Aiwa, zuva iro here! nekuti zuva raJehovha rava pedo, richasvika richiparadza richibva kuna waMasimbaose.
16Ko zvokudya hazvina kubviswa pamberi pedu, nomufaro nokufarisisa paimba yaMwari wedu here !
17Mbeu dzinoorera pasi pamavhinga adzo; matura aparadzwa, tsapi dzaputswa; nekuti zviyo zvafa.
18Zvipfuwo zvinogomera sei! Mapoka emombe akanganiswa, nekuti hazvichina mafuro; zvirokwazvo, mapoka amakwai aparadzwa.
19Aiwa, Jehovha, ndinodana kwamuri, nekuti moto wapedza mafuro erenje, murazvo wapisa miti yose yokusango.
20Zvirokwazvo, mhuka dzokusango dzinochemera kwamuri, nekuti hova dzemvura dzapwa, uye moto wapedza mafuro erenje.