1Vongai Jehovha, nekuti iye wakanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi
2Vakadzikunurwa naJehovha ngavadaro, Ivo vakadzikunurwa muruoko rwomudzivisi;
3Akavavunganidza panyika dzose kumabvazuva nekumavirira, kumusoro nezasi.
4vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga;Havana kuwana muguta mavangagara
5vakafa nenzara nenyota,Mweya yavo ikaziya mukati mavo.
6Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo.
7Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara.
8Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
9Nekuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
10Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare,
11nekuti vakamukira mashoko aMwari, Vakashora zano reWekumusoro-soro;
12Saka wakaninipisa moyo yavo nokutambura; Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira.
13Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamatambudziko avo.
14Akavabudisa parima nomumvuri worufu, Akadamburanya zvisungo zvavo.
15Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
16nekuti wakavhuna masuwo endarira, Nokuguranya mazariro amatare.
17Mapenzi anotambudzika nokuda kokudarika kwavo, Uye nokuda kwezvakaipa zvavo.
18Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedo namasuwo orufu.
19Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamatambudziko avo.
20Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, nokuvarwira pahunza.
21Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
22Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba.
23Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe, Vanoshambadzira kumvura zhinji;
24Ndivo vanoona mabasa aJehovha, Nezvishamiso zvake pakadzika.
25nekuti anoraira, ndokumutsa dutu guru, Rinomutsa mafungu aro.
26Vanosimudzirwa kudenga; ndokuburukirazve pakadzika; Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo.
27Vanondeya-ndeya nokudzengedzeka somunhu akabatwa. Vapera mano.
28Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamatambudziko avo.
29Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara.
30Ipapo vanofara nekuti anyarara; Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama pavaida kuvapo.
31Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu!.
32Ngavamukudzisewo paungano yavanhu, Vamurumbidze pamakurukota avakuru.
33Anoshandura nzizi dzikaita renje, Namatsime emvura aite nyika yakaoma;
34Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare, Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi.
35Anoshandura renje riite dziva remvura, Nenyika yakaoma iite matsime emvura.
36Ndipapo paanogarisa vane nzara, Kuti vamutse guta rokugaramo;
37Vadzvare minda, vasime minda yemizambiringa, Vawane zvibereko zvizhinji.
38Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo; Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa.
39Zvino vakatapudzika nokuva vashoma. Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuzvidya moyo.
40Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda, Achivadzungaidza murenje musina nzira.
41Kunyange zvakadaro, anogadza mushaiwi kumusoro kusina dambudziko, Achimumutsira mhuri samapoka amakwai.
42Akarurama achazviona, akafara; Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa muromo wazvo.
43Ani naani akachenjera achacherekedza zvinhu izvozvi, Vachafunga unyoro hwaJehovha. Mwari Mubatsiri wedu