1moyo wangu wakasimba, Mwari; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza, nomweya wangu wose.
2Muka iwe mutengeramwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
3Ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
4nekuti tsitsi dzenyu ihuru kumusoro kokudenga-denga, Uye zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
5imwi mukudzwe Mwari, kumusoro kokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
6Kuti vadikamwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.
7Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.
8Giriyadhi ndeyangu naManase ndeyangu; Efuremuwo inhaviro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
9Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Ndichapururudza nokuda kwaFirisitia.
10Ndianiko achandiisa muguta rakakombwa namasvingo? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
11Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
12Tibatsirei pamudzivisi wedu; nekuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
13MunaMwari tichaita noumhare; nekuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.