1Ndichasimudzira meso angu kumakomo; Kubatsirwa kwangu kuchabvepiko?
2Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, Wakaita kudenga napasi.
3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muchengeti wako haangakotsiri.
4Tarirai, muchengeti waIsiraeri Haangakotsiri kana kuvata.
5Jehovha muchengeti wako; Jehovha mumvuri wako paruoko rwako rworudyi.
6Zuva haringakubayi masikati, Nomwedzi usiku.
7Jehovha achakuchengeta pazvakaipa zvose; Achachengeta mweya wako.
8Jehovha achakuchengeta pakubuda kwako napakupinda kwako, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.