Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

122

1Ndakafara panguva yavakati kwandiri, Hendei kumba kwaJehovha.
2Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuwo ako, Jerusaremu;
3Jerusaremu, iwe wakavakwa seguta rakasanganiswa zvakanaka;
4Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha.
5nekuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.
6kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa.
7Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoushe.
8Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, Rugare ngaruve mukati mako.
9Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka.