Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

125

1Vanovimba naJehovha Vakafanana negomo reZiyoni, risingazununguswi, asi rimire nokusingaperi.
2Sokupoteredzwa kweJerusaremu namakomo, Saizvozvo Jehovha unopoteredza vanhu vake, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
3nekuti tsvimbo youshe yezvakaipa haingagari panhaka yavakarurama; Kuti vakarurama varege kutambanudzira maoko avo kune zvakaipa.
4Jehovha, itirai vakanaka zvakanaka, Navane moyo yakarurama.
5Asi kana vari vanhu vanotsaukira kunzira dzavo dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwechete navaiti vezvakaipa. Isiraeri ngaave norugare!