Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

126

1Jehovha panguva yaakadzosa vatapwa veZiyoni, Isu takanga takafanana navanorota hope.
2Panguva iyo muromo wedu wakange uzere nokuseka, Norurimi rwedu nokuimba; Ipapo pakati pavahedheni vakati, Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru;
3Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru; Isu tinofara.
4Dzosai vatapwa vedu, Jehovha, sehove panyika yeNyasi.
5Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nomufaro.
6Anofamba-famba, achichema, akatakura tsama yembeu, achadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.