Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

129

1Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu, Isiraeri ngaadaro zvino;
2Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu; Kunyange zvakadaro havana kundikunda.
3Varimi vakarima pamusana wangu; Vakaita mihoronga yavo mirefu.
4Jehovha akarurama; Akaguranya mabote avakaipa.
5Ngavanyadziswe, vadzoserwe shure, Ivo vose vanovenga Ziyoni.
6Ngavave souswa pamatenga eimba, Hunooma husati hwakura;
7Mucheki haazadzi ruoko rwake nahwo, Uye anosunga zvisote, fungatwa rake.
8Navanopfuura havangati, Jehovha ngaakuropafadzei; Tinokuropafadzai nezita raJehovha.