1Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha, ndiri makadzika.
2Ishe inzwai inzwi rangu; Nzeve dzenyu ngadziteerere inzwi rokukumbira kwangu.
3Dai imwi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, Ndianiko airamba amire, Ishe?
4Asi kukangamwirwa kuriko kwamuri, Kuti vanhu vakutyei.
5Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira; Ndinotarira shoko rake.
6Mweya wangu unorindira Ishe, Kupfuura varindi vanorindira rungwanani; Zvirokwazvo, kupfuura varindi vanorindira rungwanani.
7imwi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha; .Sokuti kuna Jehovha kune tsitsi, Uye kwaari kunokudzikunurwa kukuru.
8Iye achadzikunura Isiraeri Panezvisakarurama zvake zvose.