1Hareruya! Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu!
2Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza, ini ndichiripo.
3Regai kuvimba namachinda, Kana noMwanakomana womunhu, asingagoni kubatsira.
4Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; Nezuva iro mano ake anopera.
5Anomufaro munhu uyo kana Mwari waJakove ari mubatsiri wake, Anotarira kuna Jehovha Mwari wake.
6Iye, akaita kudenga napasi, Negungwa, nezvose zviri mukati mazvo; Iye, anoramba akatendeka nokusingaperi;
7Anoruramisira vanomanikidzwa; Anopa vane nzara zvokudya; Jehovha anosunungura vasungwa;
8Jehovha anosvinudza meso amapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama;
9Jehovha anochengeta vatorwa; Jehovha anotsigira nherera nechirikadzi; Asi nzira yavakaipa anoipesanisa.
10Jehovha achabata ushe nokusingaperi, Mwari wako, iwe Ziyoni, kusvikira kumarudzi namarudzi. Hareruya!