Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

147

1Hareruya. nekuti zvakanaka kuti Mwari wedu aimbirwe nziyo dzokurumbidza; Zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira.
2Jehovha anovaka Jerusaremu; Anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri.
3Anoporesa vane moyo yakaputsika, Anosunga mavanga avo.
4Anotara kuwanda kwenyeredzi; Anodzipa dzose mazita adzo.
5Ishe wedu mukuru, anesimba guru; Njere dzake hadziperi.
6Jehovha anobatsira vanyoro;
7Imbirai Jehovha muchimuvonga, Imbirai Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira;
8Iye anofukidza denga namakore, Anogadzirira pasi mvura, Anomeresa uswa pamakomo.
9Anopa zvipfuwo zvokudya zvazvo, Navana vamakunguvo, anochema.
10Haafadzwi nesimba rebhiza; Haafariri makumbo omurume.
11Jehovha anofara navanomutya, Navanotarira tsitsi dzake.
12Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako, iwe Ziyoni.
13nekuti wakasimbisa mazariro amasuwo ako; Akaropafadza vana vako mukati mako.
14Anoisa rugare panyika yako; Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka.
15Anotuma mirairo yake panyika; Shoko rake rinomhanya kwazvo.
16Anopa vanhu chando samakushe amakwai, anoparadzira chando samadota.
17Anokanda chimvuramabwe chake sezvimedu; Ndianiko angamira pachando chake?
18Anotuma shoko rake, ndokuzvinyausa; Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ndokuyerera.
19Anozivisa Jakove shoko rake, Nalsiraeri mitemo yake nezvaakatonga.
20Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo; Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva. Hareruya!