Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

23

1Jehovha ndiye mufudzi wangu; Hapana chandingashaiwa.
2Anondivatisa pasi pamafuro manyoro; Anondisesedza pamvura inozorodza.
3Anoponesa mweya wangu; Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.
4Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, Handingatongotyi zvakaipa; nekuti imwi muneni; Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
5Munondigadzirira chokudya pamberi pavadzivisi vangu; Makazodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachuka.
6Zvirokwazvo unyoro nenyasha zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; Ini ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva.