Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

36

1Mune nhaurwa yekudarika kowakaipa mukati memoyo wangu ndikati: Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.
2nekuti anozvibata kumeso kwake, Achiti zvakaipa zvake hazvingazikamwi zvikavengwa.
3Mashoko omuromo wake ndizvo zvakaipa nokunyengera; Akarega kuzova akachenjera nokuita zvakanaka.
4Anofunga zvakaipa panhovo dzake; Anofamba nenzira isina kunaka; Haasemi zvakaipa.
5Unyoro bwenyu, Jehovha, hwakasvika kudenga-denga; Kutendeka kwenyu kunosvikira kumakore;
6Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMwari; Kutonga kwenyu kwakadzika zvikuru; Jehovha, munochengeta vanhu nemhuka.
7Unyoro bwenyu, Mwari, hwakanaka-naka sei! Vana vavanhu vanondovanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu.
8Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu; Muchavamwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu.
9Nekuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu; Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.
10Rambai muchiitira vanokuzivai vunyoro bwenyu; Nokururama kwenyu kuna vane moyo yakarurama.
11Rutsoka rwoanozvikudza ngarurege kusvikira kwandiri, Ruoko rwoakaipa ngarurege kundidzinga.
12Apo ndopakawira pasi vaiti vezvakaipa, Vakawisirwa pasi, havangagoni kumukazve.