Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

37

1Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama.
2nekuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema.
3Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ufunde tariro.
4Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikamwa nomoyo wako.
5Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita.
6Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati.
7Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro peanofara panzira yake, Pamusoro pemunhu anoita mano akaipa aakafunga.
8Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.
9nekuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.
10Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo zvirokwazvo iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.
11Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru.
12Akaipa anofungira akarurama mano akaipa, Anomurumanira meno ake.
13Ishe achamuseka; nekuti anoona kuti zuva rake rinouya.
14Vakaipa vakavhomora munondo, vakawembura uta hwavo; Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa, Kuti vauraya vakarurama panzira;
15Munondo wavo uchapinda pamoyo yavo imene, Uye uta hwavo huchavhuniwa.
16Zvishoma, zvakanaka, zvowakarurama zvinopfuura zvakawanda zvavakaipa vazhinji.
17nekuti maoko avakaipa achavhuniwa; Asi Jehovha anotsigira vakarurama.
18Jehovha anoziva mazuva avane moyo yakarurama; Nhaka yavo ndeyokusingaperi.
19Havanganyadziswi nenguva yokuipa; Pamisi yenzara vachagutiswa.
20Asi vakaipa vachaparara, Uye vavengi vaJehovha vachafanana nokunaka kwamafuro; Vacharova; vacharova soutsi.
21Akaipa anokwereta, asingaripizve; Asi akarurama ane tsitsi, anopa.
22nekuti vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika; Asi vanotukwa naye vachaparadzwa.
23Tsoka dzomunhu uyu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake.
24Kunyange akawa, haangawiswi chose; nekuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
25Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya.
26Zuva rose anoramba ane tsitsi, achiposa; Vana vake vanokomborerwa.
27Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; Ugare zvakanaka nokusingaperi.
28nekuti Jehovha unoda zvakarurama, Haasii vatsvene vake; Vanochengetwa nokusingaperi; Asi vana vowakaipa vachaparadzwa.
29Vakarurama vachagara nhaka yenyika, Vachagaramo nokusingaperi.
30Muromo wowakarurama unotaura zvenjere, Rurimi rwake runotaura zvakarurama.
31Murayiro waMwari wake uri mumoyo make; Pakutsika kwake haangatongotedzemuki.
32Akaipa anovandira akarurama, Achitsvaka kumuuraya.
33Jehovha haangamuregeri muruoko rwake, Kana kumupa mhosva kana atongwa.
34Rindira Jehovha, urambire panzira yake, Iye achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; Kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.
35Ndakaona akaipa anesimba guru, Achitandavara somuti munyoro panyika yawo.
36Zvino mumwe akapfuurazve, wanei haachipo; Ndakamutsvaka, asi akanga asichawanikwi.
37Cherekedzai munhu akakwana, mutarire akarurama; nekuti kuguma komunhu uyo rugare.
38Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete; Pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.
39Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.
40Jehovha anovabatsira, nokuvarwira; Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, nekuti vakandovanda maari.