1moyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora.
2imwi makanaka-naka kupfuura vana vavanhu; Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu; Saka Mwari wakakuropafadzai nokusingaperi.
3Sungai munondo wenyu pachiuno chenyu, imwi Wemasimba, Ukuru bwenyu nohumambo bwenyu.
4Fambai noumambo bwenyu muchikunda, Nokuda kwechokwadi nounyoro nokururama; Ruoko rwenyu rworudyi ngarukudzidzisei zvinotyisa.
5Miseve yenyu inopinza; Vanhu vanokundwa nemi; Inobaya pamoyo yavavengi vamambo.
6Chigaro chenyu choushe, imwi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri; Tsvimbo youshe bwenyu itsvimbo yakarurama.
7Makada kururama, mukavenga kusarurama; Naizvozvo Mwari, Mwari wenyu wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.
8nguvo dzenyu dzose dzakafafadzwa nemura nearosi neakasia; pamizinda yenyanga dzenzou madimbwa aakakufadzai nawo.
9Vakunda vamadzimambo vari pakati pavanhukadzi venyu vanokudzwa; Paruoko rwenyu rworudyi vahosi vamire vakashonga ndarama yeOfiri.
10Teerera mukunda, rangarira, urereke nzeve yako; Kangamwawo vanhu vako, neimba yababa vako;
11Ipapo mambo achada kunaka kwako; nekuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe.
12Uye mukunda weTiro achavapo nechipo; Vafumi pakati pavanhu vachakumbira tsitsi dzako.
13Mukunda wamambo akanaka kwazvo-kwazvo mukati meimba yamambo; nguvo dzake dzakarukwa nendarama.
14Uchaperekwa kuna mambo nenguvo dzakarukwa dzinamavara; Mhandara, shamwari dzake dzinomutevera, Vachaiswa kwamuri.
15Vachaperekwa nomufaro nokufarisisa; Vachapinda mumba mamambo.
16Panzvimbo yamadzibaba ako vana vako vachavapo, Vauchaita machinda panyika yose.
17Ndichayeudzira zita renyu kusvikira kumarudzi ose; Naizvozvo ndudzi dzavanhu dzichakuvongai nokusingaperi-peri.