1Mwari ndiye utiziro bwedu nesimba redu, Ndiye mubatsiri ari pedo-pedo panguva dzokumanikidzwa.
2Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, Uye kunyange makomo akakungurukira mukati mamakungwa;
3mvura zhinji yawo ngaitinhire nokumutswa, makomo adedere nokupupuma kwawo.
4Rwizi rwuripo nehova dzinofadza guta raMwari, Iyo nzvimbo tsvene yetabhenakeri dzeWekumusoro-soro.
5Mwari ari mukati maro; haringazununguswi; Mwari acharibatsira kana utonga hwotsvuka.
6Vahedheni vakaita bope, ushe hwakazununguswa; Akataura nenzwi rake, nyika ikanyauka.
7Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakove inhare yedu.
8Uyai muone mabasa aJehovha, Zvishamiso zvaakaita panyika.
9Anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; Anovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; Anopisa ngoro dzokurwa nomoto.
10Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; Ndichava mukuru pakati pavahedheni, ndichava mukuru panyika.
11Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakove inhare yedu.