1Inzwai mashoko angu Jehovha,Rangarirai kufunga komoyo wangu.
2teererai inzwi rokuchema kwangu, imwi Mambo wangu naMwari wangu; nekuti ndinonyengetera kwamuri.
3Jehovha, muchanzwa inzwi rangu mangwanani;Mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu,ndichirindira.
4Nekuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa, munhu, akashata, haangagari nemi.
5Munhu anozvikudza haangamiriri pamberi penyu; Munovenga vose vanoita zvakaipa.
6Muchaparadza anoreva nhema; Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera.
7Asi kana ndirini, ndichapinda mumba menyu nekuwanda kwevunyoro bwenyu, Ndichanamata ndakaringira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai.
8Ndifambisei, Jehovha, mukururama kwenyu nekuda kwavavengi vangu; Gadzirai nzira yenyu pamberi pangu.
9Nekuti hapana kutendeka pamiromo yavo; Mukati mavo makashata-shata; huro dzavo guva rakashama; Vanobata kumeso nerurimi rwavo.
10Muvapei, mhosva, Jehovha ngavawe namano avo;Nokuti vakakumukirai.
11Asi vose vanovimba nemwi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose,nokuti imwi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.
12Nekuti mucharopafadza akarurama; imwi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhovo.