1Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nekufara kwenyu kukuru.
2Ndinzwirei nyasha, Jehovha; nekuti ndaonda; Ndiponesei, Jehovha nekuti mafupa angu anoshungurudzika.
3Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imwi Jehovha muchanonoka kusvikira mhiko?
4Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwevunyoro bwenyu.
5nekuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori?
6Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhovo dzangu; Ndinonyorovedza mubhedha wangu nemisodzi yangu.
7Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu.
8Ibvai kwandiri, imwi vaiti vose vezvakaipa. Nekuti Jehovha akanzwa inzwi rokuchema kwangu.
9Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.
10Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.