Shona

German: Schlachter (1951)

Genesis

37

1Zvino Jakove akagara munyika youtorwa hwababa vake, munyika yeKanani.
1Jakob aber wohnte im Lande, darin sein Vater ein Fremdling war, im Lande Kanaan.
2Marudzi aJakove ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namano­mwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri muko­mana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vaka­dzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.
2Dies ist die Familiengeschichte Jakobs: Joseph war siebzehn Jahre alt, als er mit seinen Brüdern das Vieh hütete, und er war als Knabe bei den Söhnen Bilhas und Silpas, der Weiber seines Vaters; und Joseph brachte die Klagen über sie vor ihren Vater.
3Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nekuti aiva mwanakomana woutana hwake; aka­muitira nguvo yakanga yakareba ina maoko.
3Israel aber hatte Joseph lieber als alle seine Söhne, weil er ihn in seinem Alter bekommen hatte; und er machte ihm einen langen Rock.
4Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.
4Als nun seine Brüder sahen, daß ihr Vater ihn lieber hatte als alle seine Brüder, haßten sie ihn und mochten ihn nicht mehr grüßen.
5Zvino Josefa akarota hope, akau­dza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga.
5Joseph aber hatte einen Traum und verkündigte ihn seinen Brüdern; da haßten sie ihn noch mehr.
6Akati kwavari, Inzwaiwo hope dzangu dzandarota.
6Er sprach nämlich zu ihnen: Hört doch, was für einen Traum ich gehabt:
7Tarirai, taka­nga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikara­mba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pa­mberi pechisote changu.
7Siehe, wir banden Garben auf dem Feld, und siehe, da richtete sich meine Garbe auf und blieb stehen; eure Garben aber umringten sie und warfen sich vor meiner Garbe nieder!
8Vakoma vake vakati kwaari, Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kanhi? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kanhi? Vakanyanya kumuvenga nokuda kokurota kwake nokwamashoko ake.
8Da sprachen seine Brüder zu ihm: Willst du etwa gar unser König werden? Willst du über uns herrschen? Darum haßten sie ihn noch mehr wegen seiner Träume und wegen seiner Reden.
9Akapamha kurotazve, akaudza va­koma vake, akati, Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichi­kotamira pamberi pangu.
9Er hatte aber noch einen andern Traum, den erzählte er seinen Brüdern auch und sprach: Seht, ich habe wieder geträumt, und siehe, die Sonne und der Mond und elf Sterne verneigten sich vor mir!
10Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, Kurota kwako uku kwa­warota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?
10Als er aber das seinem Vater und seinen Brüdern erzählte, schalt ihn sein Vater und sprach zu ihm: Was ist das für ein Traum, den du geträumt hast? Sollen etwa ich und deine Mutter und deine Brüder kommen und uns vor dir bis zur Erde verneigen?
11Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakache­ngeta shoko iro.
11Und seine Brüder beneideten ihn; sein Vater aber behielt das Wort im Gedächtnis .
12Zvino vakoma vake vakandofudza makwai ababa vavo paShekemu.
12Als aber seine Brüder nach Sichem gegangen waren, um ihres Vaters Schafe zu weiden,
13Isiraeri akati kuna Josefa, Vakoma vako havafudzi makwai paShe­kemu here? Uya ndikutumire kwavari. Iye akati, Ndiri pano hangu.
13sprach Israel zu Joseph: Weiden nicht deine Brüder zu Sichem? Komm, ich will dich zu ihnen senden! Er aber sprach: Siehe, hier bin ich!
14Akati kwaari, Zvino chienda undo­tarira kana vakoma vako vakafara, nama­kwai kana akafarawo; ugodzoka kuzondiu­dza. Naizvozvo akamutuma, ari pamupata weHebhuroni, akandosvika Shekemu.
14Da sprach er zu ihm: Geh doch und sieh, ob es wohl stehe um deine Brüder und um die Schafe, und bringe mir Bescheid! Also sandte er ihn aus dem Tale Hebron, und er wanderte nach Sichem.
15Zvino mumwe murume akamuwana achidzungaira musango; murume akamu­bvunza, akati, Unotsvakeiko?
15Da fand ihn ein Mann, als er irreging auf dem Gefilde; der fragte ihn und sprach: Was suchst du?
16Iye akati, Ndinotsvaka vakoma vangu; dondiudza hako kwavanofudza makwai.
16Er antwortete: Ich suche meine Brüder; sage mir doch, wo sie weiden!
17Murume akati, Vabva pano, no­kuti ndakavanzwa vachiti, Ngatiende Dhotani. Josefa akatevera vakoma vake, akandovawana paDhotani.
17Der Mann antwortete: Sie sind von hier fortgezogen; denn ich hörte sie sagen: Kommt, laßt uns gen Dotan ziehen! Da ging Joseph seinen Brüdern nach und fand sie zu Dotan.
18Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye.
18Als sie ihn nun von ferne sahen, ehe er in ihre Nähe kam, beschlossen sie, ihn meuchlings umzubringen.
19Vakataurirana, vachiti, Hoyo muroti uya wauya.
19Und sie sprachen zueinander: Seht, da kommt der Träumer her!
20Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ra­makomba aya, tigoti, Wadyiwa nechi­kara; tigoona kuti kurota kwake kucha­zoitwa seiko.
20Jetzt wollen wir ihn doch töten und in eine Zisterne werfen und sagen, ein böses Tier habe ihn gefressen; so wollen wir sehen, was aus seinen Träumen wird.
21Rubheni akazvinzwa, akamurwira mumaoko avo, akati, Ngatirege kumuu­raya.
21Als Ruben solches hörte, rettete er ihn aus ihren Händen, indem er sprach: Wir wollen ihn nicht ums Leben bringen!
22Rubheni akati kwavari, Musa­durura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari; kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake.
22Und weiter sprach Ruben zu ihnen: Vergießet kein Blut! Werft ihn in die Zisterne dort in der Wüste, aber legt nicht Hand an ihn! Er wollte ihn aber aus ihrer Hand erretten und ihn wieder zu seinem Vater bringen.
23Zvino Josefa akati asvika kuvakoma vake, vakabvisira Josefa nguvo yake, nguvo iya yakanga yakareba ina maoko, yaaka­nga akafuka;
23Da nun Joseph zu seinen Brüdern kam, zogen sie ihm den Rock aus, den langen Rock, welchen er trug.
24vakamutora, vakamuka­ndira mugomba; gomba rakanga risina chinhu, makanga musina mvura.
24Darnach nahmen sie ihn und warfen ihn in die Zisterne; die Zisterne aber war leer, und es war kein Wasser drin.
25Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Giriyadhi, makamera avo akata­kura zvinhu zvinonhuhwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Egipita.
25Darauf setzten sie sich nieder, um zu essen. Als sie aber ihre Augen aufhoben und sich umsahen, siehe, da kam eine Karawane von Ismaelitern vom Gebirge Gilead daher, deren Kamele trugen Tragakanth, Balsam und Ladanum, und zogen hinab nach Ägypten.
26Zvino Judha akati kuvana vababa vake, Tinga­waneiko kana tikauraya munin'ina wedu tichivanza ropa rake?
26Da sprach Juda zu seinen Brüdern: Was gewinnen wir damit, daß wir unsern Bruder töten und sein Blut verbergen?
27Uyai timutengese kuvaIshimaeri; maoko edu arege kuva kwaari; nekuti munun una wedu, nyama imwe nesu. Vana vababa vake vakamuteerera.
27Kommt, wir wollen ihn den Ismaelitern verkaufen und nicht selbst Hand an ihn legen; denn er ist unser Bruder, unser Fleisch! Und seine Brüder stimmten zu.
28Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachi­mubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Egipita.
28Als nun die midianitischen Kaufleute vorbeikamen, zogen sie Joseph aus der Zisterne herauf und verkauften ihn den Ismaelitern um zwanzig Silberlinge; die brachten Joseph nach Ägypten.
29Zvino Rubheni akadzokera kugo­mba, akawana Josefa asisimo mugomba; akabvarura nguvo dzake.
29Als nun Ruben zur Zisterne zurückkam, siehe, da war kein Joseph mehr in der Zisterne! Da zerriß er sein Kleid,
30Akadzokera kuvanin'ina vake, akati, Mwana haa­chipo; ini zvino ndichaendepiko?
30kehrte zu seinen Brüdern zurück und sprach: Der Knabe ist verschwunden! Wo soll ich hin?
31Zvino vakatora nguvo yaJosefa, va­kauraya nhongo yembudzi, vakanyika nguvo muropa;
31Sie aber nahmen Josephs Rock und schlachteten einen Ziegenbock, tauchten den Rock in das Blut,
32vakatumira nguvo iyo yakareba ina maoko kuna baba vavo, vakati, Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguvo yomwanako­mana wenyu, kana isati iri iyo.
32schickten den langen Rock ihrem Vater und ließen ihm sagen: Das haben wir gefunden; sieh doch, ob es deines Sohnes Rock ist oder nicht!
33Ivo vakafananidza vakati, Inguvo yomwanakomana wangu; wadyiwa ne­chikara; Josefa zvirokwazvo wapara­dzwa.
33Und er erkannte ihn und sprach: Es ist meines Sohnes Rock! Ein böses Tier hat ihn gefressen! Joseph ist gewiß zerrissen worden!
34Jakove akabvarura nguvo dzake, akasimira madhumbu pachiuno chake, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji.
34Und Jakob zerriß seine Kleider und legte einen Sack um seine Lenden und trug Leid um seinen Sohn lange Zeit.
35Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyara­dzwa, akati, Ndichaburukira kuguva kumwanakomana wangu, ndichichema. Baba vake vakamuwungudzira.
35Da machten sich alle seine Söhne und Töchter auf, um ihn zu trösten; er aber wollte sich nicht trösten lassen, sondern sprach: Ich höre nicht auf zu trauern, bis ich zu meinem Sohn hinabfahre ins Totenreich! Also beweinte ihn sein Vater.
36Zvino vaMidhiani vakandomute­ngesa Egipita kuna Potifari, muranda waFarao, mukuru wavarindi.
36Aber die Midianiter verkauften ihn nach Ägypten, an Potiphar, einen Kämmerer des Pharao, den Obersten der Leibwache.