1Josiya akatanga kubata ushe ava namakore masere; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu nerimwe.
2Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake Dhavhidhi, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
3nekuti pagore rorusere rokubata kwake ushe, achiri muduku, akatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi baba vake; zvino pagore regumi namaviri akatanga kunatsa Judha neJerusaremu, achibvisa matunhu akakwirira, namatanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa.
4Vakakoromora aritari dzavaBhaari, iye aripo; akatema aritari dzezvipfungaidzo zvinonhuwira dzakanga dzakaitwa pamusoro padzo; akaputsanya matanda okunamata nawo, nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa, akazvikuya zvikaita guruva, akarisasa pamarinda avaizvibayira.
5Akapisa mafupa avapristi paaritari dzavo, akanatsa Judha neJerusaremu.
6Akaitawo saizvozvo pamaguta aManase naEfuremu naSimioni, kusvikira paNafutari, pamatongo awo.
7Akaputsa aritari, akakuya matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa zvikaita guruva, akatema mifananidzo yose yezuva panyika yose yaIsiraeri, ndokudzokera Jerusaremu.
8Zvino pagore regumi namasere rokubata kwake ushe, akati anatsa nyika neimba, ndokutuma Shafani mwanakomana waAzaria, naMaaseya, mubati weguta, naJoa mwanakomana waJohazi, gurukota, kundogadzira imba yaJehovha Mwari wake.
9Vakasvika kuna Hirikia mupristi mukuru, vakamupa mari yakanga yaiswa mumba yaMwari, yakanga yaunganidzwa navaRevhi, vatariri vemikova, pakati paManase paEfuremu, navose vakasara vavaIsiraeri navaJudha vose, navaBhenjamini, navakanga vagere Jerusaremu.
10Vakaipa pamaoko avabati vakanga vachitarira imba yaJehovha, vakairipa kuzovandudza nokugadzirisa imba;
11vakaipa vavezi navavaki, kuti vatenge mabwe akavezwa namatanda okubatanidza, nokuita mapango edzimba dzakanga dzaparadzwa namadzimambo aJudha.
12Vanhu avo vakabata basa nokutendeka; vatariri vavo vaiva Jahati naObhadhiya, vaRevhi vavanakomana vaMerari, naZekariya, naMeshurami, vavanakomana vaKohati, kuzoraira basa; navamwe vaRevhi, vose vaiziva kuridza zvinoridzwa.
13Ivo vaitarirawo vatakuri vemitoro, vakarairawo vose vaibata mabasa amarudzi ose; pakati pavaRevhi pakanga panavanyori, navatariri, navarindi vemikova.
14Zvino vakati vachibudisa mari yakanga yaiswa mumba maJehovha, mupristi Hirikia ndokuwana bhuku yomurayiro waJehovha, wakange wapiwa naMozisi.
15Hirikia akapindura, akati kuna Shafani munyori, Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha. Hirikia ndokupa bhuku iyo kuna Shafani.
16Zvino Shafani akaenda nebhuku kuna mambo, uye akendawo neshoko kuna mambo, akati, Zvose zvakarairwa varanda venyu, vanozviita.
17Vakadurura mari yakawanikwa mumba maJehovha, vakaiisa mumaoko avatariri, nomumaoko avabati vebasa.
18Zvino Shafani munyori akaudza mambo, akati, mupristi Hirikia andipa bhuku. Ipapo Shafani akaravamo pamberi pamambo.
19Zvino mambo akati achinzwa mashoko omurayiro, akabvarura nguvo dzake.
20Mambo .akaraira Hirikia naAhikami mwanakomana waShafani, naAbhidhoni mwanakomana waMika, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati,
21Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navakasara vaIsiraeri navaJudha pamusoro pamashoko ebhuku yakawanikwa; nekuti kutsamwa kwaJehovha, kwadururwa pamusoro pedu, kukuru, nekuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha, kuti vaite zvose zvakanyorwa mubhuku iyi.
22Ipapo Hirikia navakanga varairwa namambo vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTokihati, mwanakomana waHazira, muchengeti wenguvo (zvino iye akanga agere Jerusaremu kuRupandi Rwepiri rweguta;) vakataura naye saizvozvo.
23Iye akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Udzai munhu akakutumai kwandiri, muti,
24Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavagerepo, iko kutuka kose kwakanyorwa mubhuku iyo yavakarava pamberi pamambo waJudha.
25nekuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuhwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo; naizvozvo kutsamwa kwangu kwadururwa pamusoro penzvimbo iyi, hakungadzimwi.
26Asi muti kuna mambo waJudha, akakutumai kuzobvunza Jehovha, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa,
27moyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paMwari, nguva yawakanzwa mashoko ake pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, ukazvininipisa pamberi pangu, ukabvarura nguvo dzako, ukachema pamberi pangu, zvino zvanzi naJehovha, Ini ndakunzwawo.
28Tarira, ndichakuisa kumadzibaba ako, uchavigwa muhwiro nomufaro; meso ako haangaoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi, navanhu vageremo. Vakadzoka neshoko kuna mambo.
29Ipapo mambo akatuma vanhu vakaunganidza vakuru vose vaJudha naveJerusaremu.
30Mambo akakwira kumba kwaJehovha, ana varume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navapristi, navaRevhi, navanhu vose, vakuru navaduku; akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakanga yawanikwa mumba maJehovha.
31Mambo akamira panzvimbo yake, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, nomoyo wake wose nomweya wake wose, kuti aite mashoko esungano akanyorwa mubhuku iyi.
32Akaraira vose vakanga vari Jerusaremu naBhenjamini kuabvumira. Vagere Jerusaremu vakaita sezvakarehwa pasungano yaMwari, iye Mwari wamadzibaba avo.
33Josiya akabvisa zvakanga zvichinyangadza zvose panyika dzose dzaiva dzavaIsiraeri, akaraira vose vakanga vari pakati paIsiraeri kushumira Mwari, kushumira iye Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.