Shona

Gujarati: NT

2 Chronicles

35

1Zvino Josiya akaitira Jehovha Pasika paJerusaremu; vakauraya gwayana rePasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.
2Akagadza vapristi pamabasa avo, akavatsungisa pabasa reimba yaJehovha.
3Akati kuna vaRevhi vaidzidzisa vaIsiraeri vose, vakanga vari vatsvene kuna Jehovha, Isai areka tsvene muimba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo walsiraeri; hamuchazovi nomutoro pamafudzi enyu; zvino, shumirai Jehovha Mwari wenyu, navanhu vake Isiraeri.
4Zvigadzirei, nedzimba dzamadzibaba enyu namapoka enyu, sezvakanyorwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri, nezvakanyorwa naSoromoni mwanakomana wake.
5Mumire panzvimbo tsvene, sezvamakagoverwa nedzimba dzamadzibaba ehama dzenyu ivo vana vavanhu; imba imwe neimwe yamadzibaba avaRevhi ipiwe mugove wayo.
6Muuraye gwayana rePasika, muzvinatse, mugadzirire hama dzenyu; kuti muite sezvakarehwa neshoko raJehovha nomuromo waMozisi.
7Ipapo Josiya akapa vana vavanhu zvimwe zvipfuwo, mwakwayana nembudzana, zvose kuti zvive zvipiriso zvePasika, ivo vose vakanga varipo, vakasvika zviuru zvina makumi matatu, uye nzombe dzine zviuru zvitatu; izvi zvose zvakabva pafuma yamambo.
8Namachinda ake akapawo nomoyo wose kuna vanhu, navapristi, navaRevhi. Hirikia, naZekariya, naJehieri, vabati veimba yaMwari, vakapa vapristi zvipfuwo zviduku zvine zviuru zviviri namazana matanhatu, nenzombe dzina mazana matatu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
9NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabhia, naJeyieri, naJozabhadhi, vakuru vavaRevhi, vakapa vaRevhi zvipfuwo zviduku zvine zviuru zvishanu, nenzombe dzina mazana mashanu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
10Basa rikagadzirwa saizvozvo, navapristi vakamira panzvimbo yavo, navaRevhi pamapoka avo, sezvavakanga varairwa namambo.
11Ipapo vakauraya makwayana ePasika, vapristi ndokusasa ropa ravakapiwa navo, vaRevhi vakaavhiya.
12Vakabvisa zvipiriso zvinopiswa, kuti vazvipe nemigove yedzimba dzamadzibaba avana vavanhu, kuti vazvibayire Jehovha, sezvakanyorwa mubhuku yaMozisi. Vakaita saizvozvo nenzombewo.
13Vakagocha Pasika pamoto, sezvakanga zvarairwa; vakabika zvipiriso zvitsvene muhari, nomumakate, nomumakango, vakachimbidzika kuzviisa kuvana vose vavanhu.
14Pashure vakazvigadzirira ivo navapristi; nekuti vapristi vanakomana vaAroni vakanga vachibayira zvipiriso zvinopiswa namafuta azvo kusvikira usiku; saka vaRevhi vakazvigadzirira ivo navapristi, ivo vanakomana vaAroni.
15Navaimbi ivo vanakomana vaAsafi, vakanga vari panzvimbo yavo, sezvavakanga varairwa naDhavhidhi, naAsafi, naHemani, naJedhutuni muoni wamambo; navarindi va kanga vari pamasuwo ose, ivo havana kufanira kubva pamabasa avo, nekuti hama dzavo vaRevhi dzakavagadzirira.
16Basa rose raJehovha rikagadzirwa saizvozvo pazuva iro, rokuita Pasika, nokubayira zvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha, sezvakanga zvarairwa namambo Josiya.
17Zvino vana vaIsiraeri vakanga varipo vakaita Pasika nenguva iyo, nomutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe.
18Pasika yakadai haina kumboitwa pakati paIsiraeri kubva pamazuva omuporofita Samueri; hakuna kumbova mumwe wamadzimambo aIsiraeri akaita Pasika yakanga yakafanana neyakaitwa naJosiya, navapristi, navaRevhi, navaJudha navaIsiraeri vagere Jerusaremu.
19Pasika iyo yakaitwa negore regumi namasere rokubata ushe kwaJosiya.
20Shure kwaizvozvo zvose, Josiya agadzira temberi, Neko mambo weEgipita akandorwa naKarikemishi paYufuratesi; Josiya akandorwa naye.
21Asi iye akatuma nhume kwaari, achiti, Ndineiko newe, iwe mambo waJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mwari akandiraira kuti ndichimbidzike; zvino iwe chirega hako kunetsa Mwari aneni, kuti arege kukuparadza.
22Kunyange zvakadaro Josiya akaramba kumurega, asi akazvishandura kuti arwe naye; haana kuteerera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMwari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegidho.
23Zvino vapfuri vouta vakapfura mambo Josiya; mambo akati kuvaranda vake, Ndibvisei, nekuti ndakuvadzwa kwazvo.
24Ipapo varanda vake vakamubvisa pangoro yake, vakamuisa pangoro yake yechipiri yaakanga anayo, vakamuisa Jerusaremu; akafa, akavigwa mumahwiro amadzibaba ake. VaJudha vose neJerusaremu vakachema Josiya.
25Jeremiya akaita rwiyo rwokuchema Josiya; navaimbi vose varume navaimbi vakadzi vakareva zvaJosiya panziyo dzavo dzokuchema kusvikira nhasi; vakazviita tsika pakati paIsiraeri; tarirai zvakanyorwa panziyo dzokuchema.
26Zvino mamwe mabasa aJosiya, nezvakanaka zvaakaita, zvakanzwana nezvakanyorwa mumurayiro waJehovha,
27nezvaakaita, zvokutanga nezvokupedzisira, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha.