1Zvino mambo Ahashivheroshi akateresa nyika, nezviwi zvegungwa.
2Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yaMakoronike amadzimambo eMedhia nePerisa?
3nekuti Modhekai muJudha wakange ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahashivheroshi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikamwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare.