Shona

Gujarati: NT

Job

1

1Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu aka­nga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa
2Iye wakabereke­rwa vanakomana vanomwe navakunda vatatu.
3Uye fuma yake yakasvika ma­kwai ane zviuru zvinomwe, nemakamera zviuru zvitatu, nemombe dzakaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu, nava­nhu vazhinji paimba yake; naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva.
4Vanakomana vake vaisienda ku­ndoita mutambo paimba yomumwe no­mumwe wavo pazuva rake; vaituma kundodana hanzvadzi dzavo nhatu kuzo­dya nokumwa navo.
5Zvino kana ma­zuva okutamba kwavo apera Jobho ai­tuma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nekuti Jobho wakati, Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vaka­shora Mwari pamoyo yavo; Jobho aisidaro nguva dzose.
6Zvino rimwe zuva vanakomana va­Mwari vakati vachindomira pamberi pa­Jehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.
7Jehovha akati kuna Satani, Wabve­piko? Satani akapindura Jehovha, akati, Ndabva pakupota-pota nenyika, napaku­famba-famba pairi.
8Jehovha akati kuna Satani, Wache­rekedza muranda wangu Jobho here? Nekuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.
9Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, Jobho anotya Mwari pasina here?
10Hamuna kumupoteredza here noru­mhanda, iye neimba yake, nezvose zvaa­nazvo, pamativi ose? Makaropafadza ma­basa amaoko ake, uye fuma yake yakawanda panyika.
11Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.
12Jehovha akati kuna Satani, Ta­rira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari. Naizvozvo Satani akabva pa­mberi paJehovha.
13Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokumwa waini paimba yomukuru wavo,
14nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, Mombe dzakanga dzichirima, nembo­ngoro dzichichera kurutivi rwadzo,
15vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
16Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, Moto waMwari waka­bva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
17Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, VaKaradhea vakaita ma­poka matatu, vakawira makamera, vakamatora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapuku­nyuka, ndauya kuzokuudzai.
18Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokumwa waini mumba momukuru wavo,
19dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
20Ipapo Jobho akasimuka, akabva­rura nguvo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata,
21akati, Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri musvi, ndichadzokerapo ndiri musvi; Jehovha wakapa, Jehovha waka­tora, zita raJehovha ngarikudzwe.
22pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.