1Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, vana vaIsiraeri vava mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwechete nomoyo mumwe paJerusaremu.
2Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki, mwanakomana waShearitieri, nehama dzake, vakasimuka, vakavaka aritari yaMwari waIsiraeri, kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi munhu waMwari.
3Vakagadzika aritari panzvimbo yayo, nekuti vakatya vanhu venyika idzo; vakabayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo, izvo zvipiriso zvaipiswa mangwanani namadekwana.
4Vakaitawo mutambo wamatumba, sezvakanga zvanyorwa; vakauya nezvipiriso zvaipiswa zuva rimwe nerimwe sezvakataurwa, sezvavakarairwa, zvakadikamwa pazuva rimwe nerimwe.
5Uye pashure chipiriso chaipiswa nguva dzose, nezvipiriso zvapakugara kwemwedzi, nezvemitambo yose yakatarwa yaJehovha yakanga yakatsaurwa, nenhendo dzakavigirwa Jehovha nokuzvidira naani nani.
6Vakatanga kubayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe; asi nheyo dzetemberi yaJehovha dzakanga dzichigere kuteyiwa.
7Vakapawo vavezi vamabwe namatanda mari, uye veZidhoni naveTire zvokudya nezvokumwa namafuta, kuti vatore miti yemisidhari paRebhanoni, vaiise Jopa pagungwa, sezvavakanga vatenderwa naKoreshi mambo wePerisia.
8Zvino negore rechipiri rokusvika kwavo paimba yaMwari paJerusaremu, nomwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, nedzimwe hama dzavo vapristi navaRevhi, navose vakanga vadzokera Jerusaremu pakutapwa kwavo, vakatanga basa ravo; vakagadza vaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, kuti vave vatariri vebasa paimba yaJehovha.
9Ipapo Jeshua navanakomana vake nehama dzake, naKadhimieri navanakomana vake, vanakomana vaJudha, vakamira nomoyo mumwe vachitarira vaibata paimba yaMwari; navanakomana vaHenadhadhi, navanakomana vavo nehama dzavo, vaRevhi.
10Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetemberi yaJehovha, vapristi vakamirapo vakafuka nguvo dzavo, vakabata hwamanda, navaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi, vakabata makandira, kuti varumbidze Jehovha sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri.
11Vakatengezana vachiimba, vachirumbidza nokuvonga Jehovha, vachiti: Nekuti akanaka, nekuti nyasha dzake hadziperi kuna Isiraeri. Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwavo Jehovha; nekuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.
12Asi vazhinji vavapristi navaRevhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba, vaya vatana vakanga vaona imba yokutanga, vakachema kwazvo vachiona nheyo dzeimba iyi dzichiteyiwa; vazhinji vakapururudza nomufaro;
13naizvozvo vanhu vakanga vasingagoni kutsaura inzwi rokupururudza romufaro nenzwi rokuchema kwavanhu; nekuti vanhu vakapururudza nokupururudza kukuru, inzwi rikanzwika kure kwazvo.