Shona

Gujarati: NT

Ezra

4

1Zvino vadzivisi vavaJudha navaBhenjamini vakati vachinzwa kuti vatapwa vavakira Jehovha Mwari waIsiraeri temberi;
2vakaswedera kuna Zerubhabheri, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba, vakati kwavari, Ngativake nemi, nekuti tinotsvaka Mwari wenyu, semiwo; tinomubayira kubva pamazuva aEsarihadhoni mambo waAsiria, wakatisvitsa pano.
3Asi Zerubhabheri, naJeshua, navamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri vakati kwavari, Imi hamungatongobatsirani nesu pakuvakira Mwari wedu imba; asi isu toga tichavakira Jehovha Mwari waIsiraeri, sezvatakarairwa namambo Koreshi mambo wePerisia.
4Ipapo vanhu venyika iyo vakashaisa maoko avanhu vaJudha simba, vakavatambudza pakuvaka;
5vakaripira vanhu vokuvaraira, kuti vakanganise zvavakanga vachida kuita, mazuva ose aKoreshi mambo wePerisia, kusvikira Dhariusi mambo wePerisia achizobata ushe.
6Zvino Ahasheroshi akati obata ushe, vakanyora tsamba yokukwirira vakanga vagere kwaJudha neJerusaremu.
7Zvino pamazuva aAritashasita, Bhishirami, naMitiredhati, naTabheeri nedzimwe shamwari dzake, vakanyorera Aritashasita mambo wePerisia; iyo tsamba yakanga yakanyorwa namabhii echiAramia, nokududzirwawo nechiAramia.
8Rehumi mukuru naShimishai munyori vakanyorera mambo Aritashasita tsamba yokukwirira veJerusaremu yaiti,
9Rehumi mukuru, naShimishai munyori, namamwe makurukota avo, ivo vaDhinai, navaAfarisatiki, navaTariperi, navaAfarisi, navaArikevhi, navaBhabhironi, navaShushaniki, navaDhehai, navaErami,
10nedzimwe ndudzi dzakauya naOsinapari mukuru wakakurumbira, dzikaiswa paguta reSamaria, napanamamwe mativi enyika mhiri korwizi, namamwe mashoko akadai.
11Ndicho chikoponorwa chetsamba yavakatuma kuna mambo Aritashasita , Varanda venyu, ivo varume vari mhiri korwizi, namamwe, mashoko akadai.
12Mambo ngaaziviswe kuti vaJudha, vakabva kwenyu vakasvika kuno kwatiri paJerusaremu, vovaka guta rokumukira mambo, rakaipa; vapedza masvingo, nokugadzira nheyo.
13Zvino mambo ngaaziviswe, kuti kana guta iri rikavakwa, namasvingo aro akapera, havangabudisi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira, pashure uchatadzira homwe yamadzimambo.
14Zvino isu, zvatinodya munyu unobva paimba yamambo, uye zvatisingafaniri kuona mambo achininipiswa, tatuma tsamba kuzozivisa mambo;
15kuti vanzvere pabhuku yenhau yamadzibaba enyu; muchaona mubhuku yenhau, kuti guta iri raimukira mambo, raitadzira madzimambo nenyika, uye kuti mukati maro vairamba vachimukira madzimambo kubva kare nakare. Guta iri rakaparadzwa nemhaka iyo.
16Tinozivisa mambo kuti kana guta iri rikavakwazve, namasvingo akapera, nemhaka iyo hamungazovi nomugove mhiri korwizi.
17Ipapo mambo akatuma mhinduro kuna Rehumi mukuru, naShimishai munyori, nedzimwe shamwari dzavo dzaigara Samaria napamwe mhiri korwizi, achiti, Rugare ngaruve nemi, namamwe mashoko akadai.
18tsamba yamakatitumira, ndairavirwa zvakanaka.
19Ndikaraira, vakanzvera vakaona kuti guta iri raimukira madzimambo kubva kare nakare, uye kuti mukati maro maiva nokumukira mambo nokurangana zvakaipa.
20Uye madzimambo ane simba aivapo paJerusaremu, aibata ushe ose pamhiri porwizi; ivo vaibudisirwa mutero, nezvipo, nomuripo wenzira.
21Zvino temai chirevo chokuti vanhu avo varege basa ravo, guta iri rirege kuvakwa, kusvikira ini ndatema chirevo.
22Chenjerai, musanonoka pachinhu ichi; chakaipa chichakurireiko, kuzotadzira madzimambo?
23Zvino mashoko etsamba yamambo Aritashasita akati aravirwa Rehumi, naShimishai munyori, namakurukota avo, vakakurumidza kuenda Jerusaremu kuvaJudha, vakavadzivisa nokumanikidza nesimba.
24Ipapo basa reimba yaMwari paJerusaremu rakaregwa; rikaregwa kusvikira pagore rechipiri rokubata ushe kwaDhariusi mambo wePerisia.