Shona

Gujarati: NT

Ezra

5

1Zvino vaporofita, vaiti muporofita Hagai, naZekariya mwanakomana waIdho, vakaporofitira vaJudha vakanga vari paJudha neJerusaremu; vakaporofitira nezita raMwari waIsiraeri.
2Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, vakasimuka, vakatanga kuvaka imba yaMwari paJerusaremu; vaporofita vaMwari, vakanga vanavo, vachivabatsira.
3Zvino panguva iyo Tatenai, mubati wenyika mhiri korwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo vakasvika kwavari, vakati kwavari, Makarairwa nani kuvaka imba iyi, nokupedza rusvingo urwu here?
4Ipapo vakataurawo navo, vakati, Mazita avarume vanovaka imba iyi ndivanaani ?
5Asi ziso raMwari wavo rakanga rakatarira vakuru vavaJudha, havana kuvaregesa basa, kusvikira mhaka yaiswa kuna Dhariusi nemhinduro pamusoro payo ichizodzoka netsamba.
6Ndiwo mashoko etsamba yakatumirwa mambo Dhariusi naTatenai mubati mhiri korwizi, naShetaribhozenai, nemakurukota ake vaAfarishaki, vakanga vari mhiri korwizi;
7vakamutumira tsamba makanga makanyorwa kudai, Kuna mambo Dhariusi, rugare rwose ngaruve nemi.
8Mambo ngaaziviswe kuti takaenda kurutivi rwenyika yaJudha, kuimba yaMwari mukuru, inovakwa namabwe makuru, uye matanda anoiswa mumasvingo, basa iri rinoshingairirwa, rinopfuurira mberi zvakanaka pamaoko avo.
9Zvino takabvunza vakuru ivavo, tikati kwavari, Ndianiko wakakurairai kuvaka imba iyi nokupedza rusvingo urwu?
10Takavabvunzawo mazita avo, kuti tikuzivisei, tinyore mazita avarume vanovatungamirira.
11Vakapindura vachiti, Isu tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, tinovaka imba yakadeya kuvakwa makore mazhinji akapfuura, yakavakwa nomumwe mambo mukuru waIsiraeri, ikapera.
12Asi madzibaba edu akati atsamwisa Mwari wokudenga, iye akavaisa mumaoko aNebhukadhenezari mambo weBhabhironi, muKaradhea; iye akaparadza imba ino, akatapa vanhu, ndokuenda navo Bhabhironi.
13Asi negore rokutanga raKoreshi mambo weBhabhironi, mambo Koreshi akaraira, kuti imba ino yaMwari ivakwe.
14Nemidziyo yendarama neyesirivha yeimba yaMwari, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari patemberi yaiva Jerusaremu, ikaiswa mutemberi yeBhabhironi, mambo Koreshi akabvisa izvozvo mutemberi yeBhabhironi, zvikapiwa mumwe wainzi Sheshibhazari, waakanga aita mubati;
15akati kwaari, Tora midziyo iyi, undoiisa mutemberi iri Jerusaremu, imba yaMwari ivakwe panzvimbo yayo.
16Ipapo uyu Sheshibhazari wakauya, akateya nheyo dzeimba yaMwari iri Jerusaremu; zvino kubva panguva iyo kusvikira zvino yakaramba ichivakwa, nazvino ichigere kupera.
17Naizvozvo zvino, kana mambo achifara nazvo, ngavanzvere muimba yefuma yamambo iri Bhabhironi, vawone kana zviri izvo, kana mambo Koreshi akaraira kuti imba ino yaMwari ivakwe Jerusaremu, mambo agotizivisa kuda kwake pamusoro pemhaka iyi.