Shona

Gujarati: NT

Ezra

6

1Ipapo mambo Dhariusi akaraira, vakanzvera paimba yamabhuku, pavaichengeta fuma paBhabhironi.
2Vakawana paAkimeta, paimba yamambo, yakanga iri parutivi rwenyika yeMedhia, rugwaro rwakapetwa makanga makanyorwa kudai kuti varangarire,
3Pagore rokutanga ramambo Koreshi, mambo Koreshi akaraira, achiti, Kana iri imba yaMwari paJerusaremu, imba ngaivakwe, pave pavangabayira zvibayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kusvike makubhiti ana makumi matanhatu, nokufara kwayo makubhiti ana makumi matanhatu;
4ngaive nemisara mitatu yamabwe makuru, nomusara mumwe wamatanda matsva; mari yokuvaka nayo ngaitorwe paimba yamambo.
5Nemidziyo yendarama nesirivha yeimba yaMwari, yakadeya kutorwa naNebhukadhinezari patemberi paJerusaremu, ikaiswa naye Bhabhironi, ngaidzoswe, iiswezve patemberi iri Jerusaremu, chimwe nechimwe panzvimbo yacho, mugozviisa muimba yaMwari.
6Naizvozvo zvino imwi Tatenai mubati wenyika mhiri korwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avaAfarisaki, imwi muri mhiri korwizi, chibvai ipapo;
7varegei pabasa reimba yaMwari; mubati wavaJudha navakuru vavaJudha ngavavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo.
8Uye ndinoraira zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, kuti imba iyi yaMwari ivakwe, mari yokuvaka nayo ngaitorwe pafuma yamambo, pamutero unoripwa mhiri korwizi, ikurumidze kupiwa varume avo, kuti varege kudziviswa.
9Uye zvose zvavanoshaiwa, kana nzombe duku, kana makondobwe, kana makwayana, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopisirwa Mwari wokudenga, kana gorosi, kana munyu, kana waini, kana mafuta, sezvinotaura vapristi vari Jerusaremu, ngavapiwe izvozvo zuva rimwe nerimwe, musingadariki;
10kuti vagone kuvigira Mwari wokudenga zvibayiro zvinonhuhwira zvakanaka, vanyengetererewo upenyu hwamambo, nohwavanakomana vake.
11Ndatemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango ribviswe paimba yake, iye aturikwe aroverwe pariri; uye imba yake iitwe durunhuru pamusoro pechinhu ichi;
12Mwari, akagarisa zita rake ipapo, ngaaparadze madzimambo ose avanhu vachatambanudza maoko avo kushandura chinhu ichi, nokuparadza imba iyi yaMwari iri paJerusaremu. Ini Dhariusi ndatema chirevo ichi; ngazviitwe nokukurumidza.
13Ipapo Tatenai mubati wenyika mhiri korwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo, vakaita izvozvo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakanga ratumwa namambo Dhariusi.
14Vakuru vavaJudha vakavaka, vakapfuurira mberi zvakanaka, vachisimbiswa nokuporofita kwaHagai, muporofita, naZekariya mwanakomana waldho. Vakavaka, vakaipedza, sezvakarairwa naMwari waIsiraeri, uye nechirevo chaKoreshi, naDhariusi, naAritashasita mambo wePerisia.
15Imba iyi ikapedzwa nezuva retatu romwedzi weAdhari pagore retanhatu rokubata ushe kwamambo Dhariusi.
16Vana vaIsiraeri navapristi, navaRevhi, navamwe vakanga vatapwa vakatsaurira Mwari imba iyi nomufaro.
17Vakabayira pakutsaura imba iyi yaMwari nzombe dzine zana rimwe, namakondobwe ana mazana maviri, namakwayana ana mazana mana; uye nhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, dzakaenzana namarudzi avaIsiraeri, chive chipiriso chezvivi chavaIsiraeri vose.
18Vakagadza vapristi pamakamu avo, navaRevhi pamapoka avo, pabasa raMwari paJerusaremu; sezvakanga zvanyorwa pabhuku yaMozisi.
19Vatapwa vakaita Pasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.
20nekuti vapristi navaRevhi vakanga vazvinatsa nomoyo mumwe, vose vavo vakanga vanatswa; vakabayira vatapwa vose Pasika, nehama dzavo dzavapristi, naivo vamene.
21Ipapo vana vaIsiraeri, vakanga vadzoka pakutapwa, vakadya, ivo navose vakanga vazvitsaurira kwavari vachibva pamatsvina avahedheni venyika iyo, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsiraeri;
22vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe; nekuti Jehovha akanga avafadza, akarereudzira moyo wamambo weAsiria kwavari, kuti asimbise maoko avo pabasa reimba yaMwari waIsiraeri.