1Zvino izvi zvakati zvapera, machinda akaswedera kwandiri, akati, Vanhu vaIsiraeri, navapristi, navaRevhi havana kuzviraura pavanhu venyika panezvinonyangadza zvavo, ivo vaKanani, navaHiti, navaPerezi, navaJebhusi, navaAmoni, navaMoabhu, navaEgipita, navaAmori.
2nekuti vakatora vakunda vavo vave vakadzi vavo navavanakomana vavo; naizvozvo rudzi rutsvene rwakazvivenganisa navanhu venyika; zvirokwazvo maoko amachinda navabati ndiwo akanyanya pakudarika uku.
3Zvino ini ndakati ndichizvinzwa, ndikabvarura nguvo yangu nejasi rangu, ndikataura vhudzi romusoro wangu nendebvu dzangu, ndikagara pasi ndakakanuka.
4Ipapo vakaungana kwandiri vose vakanga vachidedera nokuda kwamashoko aMwari waIsiraeri pamusoro pokudarika kwavatapwa; ndikagara pasi ndakakanuka kusvikira panguva yechipiriso chamadekwana.
5Zvino panguva yechipiriso chamadekwana ndikasimuka pakuzvininipisa kwangu, ndichine nguvo yangu nejasi rangu zvakabvaruka; ndikawira pasi namabvi angu, ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu;
6ndikati, Haiwa, Mwari wangu, ndinonyara, ndinotsveruka kusimudzira chiso changu kwamuri Mwari wangu; nekuti zvivi zvedu zvadarika misoro yedu, mhosva yedu yakakwira kusvikira kudenga.
7Kubva pamazuva amadzibaba edu takapara mhaka kwazvo kusvikira nhasi; zvino nokuda kwezvivi isu namadzimambo edu, navapristi vedu, takaiswa mumaoko amadzimambo enyika, tiurawe nomunondo, titapwe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuva ranhasi.
8Zvino takanzwirwa tsitsi naJehovha Mwari wedu nguva duku-duku, akatisiira vamwe vakapukunyuka, nokutipa mbambo panzvimbo yake tsvene, kuti Mwari wedu avhenekere meso edu, nokutiponesa paduku pauranda bwedu.
9Nekuti tiri varanda; kunyange zvakadaro Mwari haana kutirasha pauranda bwedu, asi akatinzwisa tsitsi pamberi pamadzimambo ePerisia, akatiponesazve, kuti timutsezve imba yaMwari wedu, nokugadzira matongo ayo, nokutipa rusvingo paJudha napaJerusaremu.
10Zvino Mwari wedu, tichareveiko shure kwaizvozvi? nekuti takarasha mirairo yenyu,
11yamakatiraira navaranda venyu vaporofita, muchiti, Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakasvibiswa nokuipa kwavanhu venyika idzo, nemhaka yezvinonyangadza zvavo, zvakaizadza namatsvina avo kubva parutivi rumwe kusvikira panorumwe rutivi.
12Naizvozvo zvino, regai kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutora vakunda vavo kupa vanakomana venyu, kana kuvatsvakira rugare nomufaro nokusingaperi; kuti muve nesimba, mudye zvakanaka zvenyika, mugoisiira vana venyu ive nhaka yavo nokusingaperi.
13Zvatakaitirwa izvi zvose nokuda kwamabasa edu akaipa, uye nokuda kwemhosva dzedu huru, imwi Mwari wedu zvamusina kutirova zvakaringana zvakaipa zvedu, mukatisiira vamwe vakadai.
14Zvino tingapamhidzazve kudarika mirairo yenyu here, nokushamwaridzana navanhu vanoita izvi zvinonyangadza here? Hamungazotitsamwiri kusvikira matiparadza here, kusvikira kusina akasiiwa, kana akapukunyuka?
15Jehovha, Mwari waIsiraeri, imwi makarurama; nekuti tasiirwa vamwe vakapukunyuka, sezvazvakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhosva dzedu, nekuti hakuna angamira pamberi penyu nokuda kwechinhu ichi.