1Zvino Ezira akati achinyengetera, achizvireurura, achichema nokuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru-huru yavarume navakadzi navana vavaIsiraeri vakaungana kwaari; nekuti vanhu vakachema zvikuru kwazvo,
2Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wavanakomana vaErami, akapindura, akati kuna Ezira, Takatadzira Mwari wedu zvatakawana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika iyi; kunyange zvakadaro vaIsiraeri vachine tariro pamusoro pechinhu ichi.
3Naizvozvo zvino ngatiite sungano naMwari wedu, tibvise vakadzi ava vose, navana vakaberekwa navo, sezvatakarairwa nashe wangu, uye navanobvundiswa nomurayiro waMwari wedu; ngazviitwe sezvinoreva mirairo.
4Simukai, nekuti ndimi mune basa iri, isu tinemi; tsungai moyo, muzviite.
5Ipapo Ezira akasimuka, akapikisa vakuru vavapristi, navaRevhi, navaIsiraeri vose, kuti vachaita neshoko iri. Ivo vakapika.
6Ipapo Ezira akasimuka, akabva pamberi peimba yaMwari, akapinda mukamuri yaJohwanani mwanakomana waEriashibhi; akagarapo, akasadya zvokudya, kana kumwa mvura; nekuti akanga achichema pamusoro pokudarika kwavatapwa.
7Vakaparidza shoko kuvatapwa vose pose-pose paJudha napaJerusaremu;
8uye kuti ani naani asina kuuya mazuva matatu agere kupera, sezvakanga zvarairwa namachinda navakuru, fuma yake yose itorwe idyiwe, naiye amene abudiswe paungano yavatapwa.
9Ipapo varume vose vaJudha naBhenjamini vakaungana paJerusaremu mazuva matatu agere kupera; wakange uri mwedzi wepfumbamwe, nezuva ramakumi maviri romwedzi; vanhu vose vakagara padare pamberi peimba yaMwari, vachibvunda pamusoro peshoko iro napamusoro pemvura zhinji yainaya.
10Ipapo mupristi Ezira akasimuka, akati kwavari, Imi makadarika, mukawana vakadzi vatorwa, mukanyanyisa mhosva yaIsiraeri.
11Naizvozvo zvino chizvireururai pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba enyu, mumufadze; muzviraure kuvanhu venyika ino navakadzi vatorwa.
12Ipapo ungango yose yakapindura, ikati nenzwi guru, Sezvamataura pamusoro pedu, ndizvo zvatinofanira kuita.
13Asi vanhu vazhinji, uye inguva yokunaya kwemvura zhinji, hatigoni kumira kunze; basa iri harizi rezuva rimwe, kana mazuva maviri, nekuti takadarika kwazvo pachinhu ichi.
14Zvino machinda edu ngaagadzwe paungano yose, kuti vose vakawana vakadzi vatorwa pamaguta edu, vauye panguva dzakatarwa navakuru veguta rimwe nerimwe, navatongi varo, kusvikira kutsamwa kukuru kwaMwari wedu kwabviswa kwatiri, kusvikira mhaka iyi yapera.
15Asi Jonatani mwanakomana waAsaheri, naJazeya mwanakomana waTikivha, ivo voga va karamba chinhu ichi; Meshurami nomuRevhi Shabhetai vakasimbisa.
16Vatapwa vakaita saizvozvo Ezira mupristi, navamwe vavakuru vedzimba dzamadzibaba, vakatsaurwa nedzimba dzamadzibaba avo, navose vavo namazita avo; vakaungana nezuva rokutanga romwedzi wegumi kunzvera chinhu icho.
17Vakapedza navarume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa nezuva rokutanga romwedzi wokutanga.
18Napakati pavanakomana vavapristi vakawana vamwe vakanga vawana vakadzi vatorwa. Pakati pavanakomana vaJeshua vaiti mwanakomana waJozadhaki nehama dzake, Maaseya, naEriezeri, naJaribhi, naGedharia.
19Vakapika noruoko rwavo, kuti vacharega vakadzi vavo; uye, zvavakanga vane mhosva, vakabayira gondobwe ramakwai pamusoro pemhosva yavo.
20Pakati pavanakomana vaImeri, Hanani naZebhadhia.
21Pakati pavanakomana vaHarimi: Maaseya, naEria, naShemaya naJehieri, naUziya.
22Pakati pavanakomana vaPashuri: Erioenai, naMaaseya, naIshimaeri, naNetaneri, naJozabhadhi, naErasha.
23Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, naShimei, naKeraya (ndiye Kerita), naPetahia, naJudha, naEriezeri.
24Pakati pavaimbi: Eriashibhi; napakati pavarindi vemikova: Sharumi, naTeremi, naUri.
25Napakati paIsiraeri: pakati pavanakomana vaParoshi: Ramia, naIzia, naMarikiya, naMiyamini, naEreazari, naMirikiya, naBhenaya.
26Pakati pavanakomana vaErami: Matania, naZekariya, naJehieri, naAbhidhi, naJeremoti, naEria.
27Pakati pavanakomana vaZatu, Erioenai, naEriashibhi, naMatania, naJeremoti, naZabhahi, naAziza.
28Pakati pavanakomana vaBhebhai: Jehohanani, naHanania, naZabhai, naAtirai.
29Pakati pavanakomana vaBhani: Meshurami, naMaruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari, naJeremoti.
30Pakati pavanakomana vaPahatimoabhi: Adhana, naKerari, naBhenaya, naMaaseya, naMatania, naBhezareri, naBhinui, naManase.
31Pakati pavanakomana vaHarimi: Eriezeri, naIsishiya, naMarikiya, naShemaya, naShimeoni;
32naBhenjamini, naMaruki, naShemaria.
33Pakati pavanakomana vaHashumi: Matenai, naMatata, naZabhadhi, naErifureti, naJeremai, naManase, naShimei.
34Pakati pavanakomana vaBhani: Maadhai, naAmirami, naUeri;
35naBhenaya, naBhedheya, naKeruhi;
36vaVhania, naMeremoti, naEriashibhi;
37naMatania, naMatenai, naJaasu;
38naBhani, naBhinui, naShimei;
39naSheremia, naNatani, naA dhaya;
40naMakinedhabhai, naShashai, naSharai;
41naAzareri, naSheremia, naShemaria;
42naSharumi, naAmaria, naJosefa.
43Pakati pavanakomana vaNebho: Jeieri, naMatitia, naZabhadhi, naZebhina, naIdho, naJoeri, naBhenaya.
44Ava vose vakanga vawana vakadzi vatorwa; vamwe vavo vakanga vaberekerwa vana navakadzi vavo.