1Mashoko aNehemiya mwanakomana waHakaria. Pamwedzi weKisirevhi, pagore ramakumi maviri, ndakati ndiri panhare yamambo paShushani,
2Hanani, mumwe wehama dzangu, akasvika iye navamwe varume, vachibva kwaJudha; ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakanga vapukunyuka, vakanga vasara pakutapwa, napamusoro peJerusaremu.
3Vakati kwandiri, Vakasara, vakasiiwa pakutapwa panyika iyo, vari pakutambudzika kukuru napakushorwa; uye rusvingo rweJerusaremuwo rwakoromoka, namasuwo aro apiswa nomoto.
4Zvino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikachema, ndikaita mazuva ndichichema; ndikatsanya, ndikanyengetera pamberi paMwari wokudenga,
5ndikati, Ndinokumbira kwamuri Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, iye anorangarira sungano yake netsitsi kuna vanomuda vachichengeta mirairo yake;
6nzeve yenyu ngaiteerere zvino, nameso enyu asvinure, munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu, nguva ino, masikati nousiku, pamusoro pavana vaIsiraeri varanda venyu, ndichireurura nokuda kwezvivi zvavana vaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; nekuti takatadza, ini naveimba yababa vangu.
7Takakuitirai zvakaipa kwazvo, hatina kuchengeta mirairo, kana zvakatemwa, kana zvakatongwa, zvamakaraira muranda wenyu Mozisi.
8Dorangarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mozisi, muchiti, Kana imwi muchidarika, ndichakuparadzirai pakati pendudzi;
9asi kana mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirairo yangu nokuiita, kunyange vadzingwa venyu vasvika kumagumisiro okudenga, ndichavaunganidza vabve ipapo, ndivaise panzvimbo yandakatsaura kuti zita rangu rigarepo.
10Zvino ava ndivaranda venyu navana venyu, vamakadzikunura nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rune simba.
11Haiwa, Jehovha, ndinokumbira kuti nzeve yenyu iteerere kunyengetera komuranda wenyu nokunyengetera kwavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu zvakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu. (Zvino ini ndakanga ndiri mudiri wamambo.)