Shona

Gujarati: NT

Nehemiah

2

1Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.
2Ipapo mambo akati kwandiri, Chiso chako chinopunyairireiko, zvausingarwari? Ichi chinhu ishungu dzomoyo chaidzo. Ndikatya kwazvo.
3Ndikati kuna mambo, Mambo ngaararame nokusingaperi! Chiso changu chingaregereiko kupunyaira, kana guta iro rinamarinda amadzibaba angu, rava dongo, namasuwo aro atsva nomoto?
4Ipapo mambo akati kwandiri, Unokumbireiko? Zvino ndikanyengetera kuna Mwari wokudenga,
5ndikati kuna mambo, Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana nyasha pamberipenyu, ndinokumbira kuti munditumire kwaJudha, kuguta ramarinda amadzibaba angu, ndinorivaka.
6Mambo akati kwandiri (navahosiwo vakanga vagere naye), Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rinhi? Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva.
7Uye ndakatiwo kuna mambo, Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe tsamba dzakanyorerwa vabati vari mhiri korwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha;
8neimwe tsambawo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuwo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda. Mambo akandipa izvozvo, nekuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu.
9Zvino ndikasvika kuvabati mhiri korwizi, ndikavapa tsamba dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni.
10Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, vakati vanzwa kuti kwakanga kwasvika munhu kuzotsvaka kuitira vana vaIsiraeri zvakanaka, zvikavaodza moyo kwazvo.
11Naizvozvo ndakasvika Jerusaremu ndikagarapo mazuva matatu.
12Ndikamuka usiku, ini navamwe vanhu vashoma; asi handina kuudza munhu zvakanga zvaiswa mumoyo mangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu; uye ndakanga ndisine chimwe chipfuwo neni, asi chipfuwo chandakanga ndichitasva.
13Ndikabuda usiku napasuwo roMupata, ndikaenda nokutsime reShato, nesuwo raMarara, ndikacherekedza masvingo eJerusaremu akanga akoromoka, namasuwo aro akanga atsva nomoto.
14Ipapo ndikapfuurira kusvika pasuwo reTsime, nokudziva ramambo; asi pakanga pasine nzvimbo pangapfuura napo chipfuwo chandakanga ndakatasva.
15Ipapo ndakakwira usiku naparukova, ndikacherekedza rusvingo; ndikadzoka, ndikapinda napasuwo roMupata, ndikadzoka saizvozvo.
16Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; nekuti ndakanga ndisina kuudza vaJudha, kana vapristi, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vabati vebasa.
17Zvino ndakati kwavari, Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuwo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa.
18Ndikavaudza zvokunaka koruoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, Ngatisimuke, tivake. Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.
19Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, naGeshemu, muArabhia, vakati vachinzwa, vakatisweveredza, nokutininipisa, vakati, Chinyiko ichi chamunoita? Munoda kumukira mambo kanhi?
20Ipapo ndakavapindura, ndikati kwavari, Mwari wokudenga achatifambisa zvakanaka; saka isu varanda vake tichasimuka, nokuvaka; asi imwi hamuno mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusaremu.