1moyo wangu waneta noupenyu hwangu; Handingazvidzori pakunyunyuta kwangu; Ndichataura neshungu dzomoyo wangu.
2Ndichati kuna Mwari, Musandipa mhosva. Ndiratidzei kuti munorwa neni nemhaka yeiko?
3Zvinokufadzai here kumanikidza, Nokuzvidza basa ramaoko enyu, Muchivhenekera kurangana kwavakaipa here?
4Munameso enyama here, Kana munoona somunhu here?
5Mazuva enyu akafanana namazuva omunhu here, Kana makore enyu namakore omunhu here?
6Zvamunobvunza zvakaipa zvangu, Nokunzvera zvivi zvangu,
7Kunyange muchiziva kuti handizi wakaipa; Uye kuti hakuna anogona kurwira paruoko rwenyu here?
8Maoko enyu akandiita nokundiumba, Nhivi dzangu dzose; kunyange zvakadaro moda kundiparadza.
9Rangarirai, ndizvo zvandinokumbira, kuti makandiumba sevhu; Zvino muchandidzosera kuguruva here?
10Hamuna kundidurura somukaka here, Nokundikodza somukaka wakafa?
11Makandifadza neganda nenyama, Mukandisunganidza namafupa namarunda.
12Makandipa upenyu netsitsi, Hanya dzenyu dzakachengeta mweya wangu.
13Asi makavanza zvinhu izvi mumoyo menyu; Ndinoziva kuti chinhu ichi chaiva nemwi kare.
14Kana ndikatadza munondicherekedza, Hamudi kundikangamwira kudarika kwangu.
15Kana ndiri wakaipa, ndine nhamo; Kana ndiri wakarurama, kunyange zvakadaro handingasimudzi musoro wangu; Zvandizere nokunyadzwa Ndichangotarira kutambudzika kwangu.
16Kana ndikazvikudza, munondironda seshumba; Munopamhazve kundishamisa nesimba renyu.
17Munowedzera zvapupu zvenyu kuzorwa neni, Nokuwanza kutsamwa kwenyu pamusoro pangu; Kushanduka nehondo zvineni.
18Makandibudisireiko pachizvaro chamai? Ndingadai ndaifira hangumo, ndisati ndaonekwa neziso romunhu.
19Ndaiita hangu sendisina kuvapo; Ndaitakurirwa kuhwiro ndichibva pachizvaro chamai.
20Ko mazuva angu haazi mashoma here? Zvino gumai, Ndiregei henyu, kuti ndizorore zvishoma,
21Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki, Kunyika yerima nomumvuri worufu;
22Iyo nyika yerima guru, rima chairo; Nyika yomumvuri worufu, panokukanganiswa, Ipapo chiedza chakafanana nerima.