1Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
2Ko mashoko mazhinji akadai haangapindurwi here? Munhu anoshoshoma angaruramisirwa here?
3Manyawi ako angafanira kunyaradza vanhu here? Kana uchidadira, hakuna ungakunyadza here?
4nekuti iwe unoti, Zvandinoparidza ndezvechokwadi, Ndakachena pamberi penyu.
5Asi, haiwa! Dai Mwari hake achitaura, Ashamise miromo yake pamusoro pako;
6Akuratidze zvakavanzwa zvokungwara, Kuti kuna mativi mazhinji. Uzive naizvozvo kuti Mwari anokangamwira zvimwe zvakaipa zvako.
7Unganzwisisa zvakadzika zvaMwari here? Ungakwanisa kunzwisisa iye waMasimbaose here?
8Zvakakwirira sokudenga; iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura hwiro; iwe ungaziveiko?
9Kureba kwazvo kunopfuura nyika, Uye upamhi hwazvo hunopfuura gungwa.
10Kana iye akapfuura, akapfigira mitongo, Akakokera vanhu kukutongwa, ndiani angamudzivisa?
11Nekuti iye anoziva vanhu venhema; Anoonawo zvakaipa, kunyange asingazvifungi.
12Asi munhu asakachenjera anoshaiwa kunzwisisa, Zvirokwazvo, munhu anozvarwa semhuru yembizi.
13Kana iwe ukaruramisa moyo wako, Ukatambanudzira maoko ako kwaari;
14Kana zvakaipa zviri muruoko rwako, uzviise kure, Kusarurama ngakurege kugara mumatende ako;
15Zvirokwazvo ipapo ungasimudza chiso chako, usine gwapa, Zvirokwazvo, uchasimba, usingatyi, chinhu.
16Nekuti uchakangamwa njodzi yako, Uchairangarira semvura yapfuura;
17Upenyu hwako huchavara kupfuura masikati makuru; Kunyange kune rima, kuchava samangwanani.
18Iwe uchasimba pamoyo, nekuti tariro ichavapo; Zvirokwazvo, ucharingaringa ndokuzorora hako wakachengetwa.
19Uchavata hako pasi, hakuna angakutyisa; Zvirokwazvo, vazhinji vachatsvaka kukufadza.
20Asi meso avakaipa achapera nokutarira, Vachashaiwa pokutizirapo, Tariro yavo ichava yokufa.