1Tarirai, ziso rangu rakaona izvi zvose, Nzeve yangu yakazvinzwa nokuzvinzwisisa.
2Zvamunoziva imi, ndinozvizivawo; Handizi muduku kwamuri.
3Zvirokwazvo, ndinoda kutaura nowaMasimbaose, Ndinoda kuzvidavira kuna Mwari.
4Asi imwi munofukidza zvose nenhema dzenyu, imwi mose muri n'anga dzisina maturo.
5Haiwa! Dai muchinyarara mose! Ndiko kwaiva kungwara kwenyu!
6Zvino chinzwai kuzvidavira kwangu, Teererai munzwe ndichizvirevera nemiromo yangu.
7Munoda kurwira Mwari muchitaura zvisakarurama here? Nokureva zvinonyengera nokuda kwake here?
8Munoda kuva nehanya naye here? Munoda kurwira Mwari kanhi?
9Ko zvakanaka kana iye achikunzverai here? imwi mungamunyengera, sezvamunganyengera munhu here?
10Zvirokwazvo iye achakutukai, Kana mukava nehanya pakavanda.
11Ukuru hwake haungakutyisii here? Haangakutyisii zvikuru here?
12Mashoko enyu enjere ishumo dzamadota, zvitaviro zvenyu zvitaviro zvevhu.
13Nyararai, ndiregei nditaure, Ndiwirwe hangu nezvandingawirwa nazvo.
14Ndicharumireiko nyama yangu nameno angu, Nokubata upenyu hwangu muruoko rwangu?
15Kunyange akandiuraya hake, ndichamumirira hangu; Kunyange zvakadaro ndichazvidavirira hangu pamberi pake pamusoro pomufambiro wangu.
16Ndirwowo ruchava ruponeso rwangu, Kuti munhu asingatendi Mwari haangasviki pamberi pake.
17Inzwai zvakanaka kutaura kwangu, Kuparidza kwangu kupinde nzeve dzenyu.
18Tarirai zvino, ndarongedza mhaka yangu; Ndinoziva kuti ndicharuramisirwa.
19Ndianiko achaita nharo neni? nekuti zvino ndinganyarara hangu, ndikafa.
20Asi regai henyu kundiitira zvinhu zviviri, Ipapo handingavandi pamberi penyu;
21Bvisai ruoko rwenyu kure neni; Kutyisa kwenyu kurege kundivhundusa.
22Ipapo mudane imi, ini ndichapindura; Kana ini nditaure hangu, imwi mundipindure.
23Zvakaipa zvangu nezvivi zvangu zvinganiko? Ndizivisei kudarika kwangu nechivi changu.
24Munovanzireiko chiso chenyu, Muchiti ndiri muvengi wenyu?
25Munoda kuvhundusa shizha rinopepereswa here? Munoda kudzingana namakoto akaoma here?
26Munotonga zvinhu zvinovava pamusoro pangu, Munondidyisa nhaka yezvakaipa Zvujaya hwangu;
27Munomana makumbo angu mumatanda, nokucherekedza nzira dzangu dzose; Munotarira tsoka dzamakumbo angu muganhu;
28Kunyange ndakafanana nechinhu chakaora chinopera, Senguvo yapedzwa nezvifusi.