1Munhu akazvarwa nomukadzi anamazuva mashoma, azere nokutambudzika.
2Anobuda seruva, ndokusvava; Anotizawo somumvuri, haagari.
3Ko munotarira munhu akadai nameso enyu, Muchinditonga here?
4Ndianiko angabudisa chinhu chakanaka pane chakaipa? Hakuna.
5Mazuva ake zvaakatarwa, mwedzi yake yakaverengwa nemi, Makamutarira miganho yaasingatenderwi kudarika;
6Regai kumucherekedza, azorore, Kusvikira apedza zuva rake somubatiri.
7nekuti kana muti uchinge watemwa, kune tariro kuti uchabudazve, Uye kuti davi rawo nyoro haringaperi.
8Kunyange mudzi wawo ukakwegurira muvhu, Nehunde yawo ikafa pasi;
9Kunyange zvakadaro uchabukira kana wanzwa kunhuhwira kwemvura, Ndokubudisa matavi somuti muduku.
10Asi munhu anofa, akaparara hake; Zvirokwazvo munhu anorega kufema, zvino aripiko?
11Mvura inopera pagungwa, Uye rwizi runopera nokupwa;
12Saizvozvo munhu anovata pasi, akasamukazve; Havazomukizve kusvikira denga rapera, Havangamutswi pahope dzavo.
13Dai muchindivanza henyu paSheori, Muchindichengeta pakavanda, kusvikira hasha dzenyu dzapfuura, Munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo.
14Kana munhu achinge afa, angararamazve here? Ndaimira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, Kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika.
15Maizodana, ini ndikakupindurai; Maishuva basa ramaoko enyu.
16Asi zvino munoverenga nhambwe dzangu;
17Kudarika kwangu kwakasungirwa muhombodo, Munosunga zvakaipa zvangu.
18Gomo kana richiwa zvirokwazvo rinopfupfunyuka, Uye dombo rinobviswa panzvimbo yaro;
19Mvura inochera mabwe; Kuyerera kwayo kunokukura guruva renyika;. imwi munoparadza tariro yomunhu.
20Munomukunda nokusingaperi, iye akapfuura hake; Munoshandura chiso chake, ndokumudzinga.
21Vana vake vanokudzwa iye asingazvizivi; Vanoderedzwa, asi iye haaoni vachiitirwa izvozvo.
22Asi kana ari iye, nyama yake inorwadziwa, Mweya wake unochema mukati make.