Shona

Gujarati: NT

Job

15

1Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
2Ko munhu, ane njere, angapindura nenjere dzisina maturo Nokuzadza dumbu rake nemhepo inobva mabvazuva here?
3Angaita nharo nokutaura zvisingabatsire, Kana mashoko aasingagoni kubata basa rakanaka nawo here?
4Zvirokwazvo iwe unorasha kutya Mwari, Nokukanganisa vanoda kufunga Mwari.
5nekuti zvakaipa zvako zvinodzidzisa muromo wako, Unotsaura rurimi rwavanyepedzeri.
6Muromo wako ndiwo unokupa mhosva, handizini. Zvirokwazvo miromo yako inokupupurira zvakaipa.
7Ko ndiwe wakatanga kuzvarwa kanhi? Kana wakaberekwa makomo asati avapo here?
8Iwe wakanzwa mano akavanzika aMwari kanhi? Ndiwe woga wakazviwanira njere kanhi?
9Unozivei iwe zvatisingaziviwo isu? Unonzwisisei iwe zvisati zviri matiriwo?
10Vakachena vhudzi navatana vakwegura kwazvo vanesu, Vakapfuura baba vako kwazvo pazero.
11Ko kunyaradza kwaMwari hakukuringani here, Neshoko rinotaurwa nounyoro kwauri here,
12moyo wako unokurashirei? Meso ako anobwaireiko?
13Zvaunorwa naMwari nomweya wako, Uchitendera mashoko akadai kubuda pamuromo wako.
14Munhu chinyiko? Angava akanaka sei? Naiye akazvarwa nomukadzi, angava akarurama sei?
15Tarira, haatendi vatsvene vake; Zvirokwazvo, kudenga hakuna kunaka pamberi pake.
16Ndoda munhu anosemesa, akaora, Munhu anomwa zvakaipa semvura.
17Ndichakuratidza, chiteerera; Ndichakududzira zvandakaona.
18(Zvakarehwa navanhu vakangwara zvavakanzwa kumadzibaba avo, vasina kuzvivanza;
19Ivo vakanga vapiwa nyika voga, Hakuna mutorwa akapinda pakati pavo;)
20Munhu akaipa anotambudzika achirwadziwa mazuva ake ose, Iwo makore akatarirwa mumanikidzi.
21inzwi rezvinotyisa riri munzeve dzake; Muparadzi achamusvikira akafara.
22Haatendi kuti achadzokazve achibva parima, Anovandirwa nomunondo.
23Unofamba-famba achitsvaka zvokudya, achiti, Zviripiko? Anoziva kuti zuva rerima riri pedo naye,
24Njodzi nokutambudzika zvinomutyisa; Zvinomukunda, samambo akazvigadzirira kurwa.
25Nekuti akatambanudzira ruoko rwake kuzorwa naMwari, Akazvikudza pamberi powaMasimbaose;
26Anomhanyira kwaari anomutsipa mukukutu, Namakwande makobvu enhovo dzake.
27Nekuti akafukidza chiso chake namafuta, Akaunganidza mafuta mazhinji pachiuno chake.
28Akagara pamaguta akanga ava matongo, Padzimba dzisina kufanira kugarwa nomunhu, Dzaikarokushanduka matongo.
29Iye haangavi mufumi, fuma yake haingagari, Nezvibereko zvazvo hazvingaremberi pasi.
30Haangabvi parima; Murazvo womoto uchawomesa matavi ake, Uchabviswa nomweya womuromo waMwari.
31Ngaarege kuvimba nezvisina maturo, achizvinyengera, nekuti mubairo wake uchava zvisina maturo.
32Zvichaitwa nguva yake isinokusvika, davi rake haringavi nyoro.
33Achazuka mazambiringa ake agere kuibva somuzambiringa, Uchazuka maruva ake somuorivhi.
34Nekuti ungano yavasingadi Mwari haingabereki, Moto uchapedza matende avafufuri.
35Vane mimba yezvakashata, vanobereka zvakaipa, Dumbu ravo rinogadzira kunyengera.