1Ipapo Jobho akapindura, akati,
2Ndatonzwa hangu mashoko mazhinji akadai; imwi mose muri vanyaradzi pasina.
3Ko mashoko asina maturo achapera here? Chinyiko chinokugombedzera kupindura?
4Neniwo ndaigona kutaura semi; Kana mweya yenyu yaiva panzvimbo yomweya wangu, Ndaigonawo kubatanidza mashoko pamusoro penyu, Ndaikudzungudzirai musoro wangu.
5Asi ndingadai ndaikusimbisai nomuromo wangu, Nokuvaraidza kwemiromo yangu kwaitapudza marwadzo enyu.
6Kunyange ndichitaura hangu, kuchema kwangu hakuremudzwi; Kunyange ndikarega hangu, ndinotapudzirwa neiko?
7Asi zvino iye andinetsa, imwi maparadza mhuri yangu yose.
8imwi makandibata nesimba, ndizvo zvinondipupurira; Kuonda kwangu kunondimukira, Kunondipupurira zvakaipa pachena.
9Iye akandibvarura pakutsamwa kwake, akandivenga; Akarumanya meno ake pamusoro pangu; Mudzivisi wangu anondiwetsera meso ake.
10Vakandishamisira miromo yavo Vakandirova padama, vachindituka, Vanoungana kuzorwa neni.
11Mwari anondiisa kuna vasakarurama; Anondikanda pamaoko avakaipa.
12Ndakanga ndichizorora hangu, iye akandivhuna; Zvirokwazvo akandibata nomumutsipa, akandiputsanya; Akandiita chiposherwa chake.
13Miseve yake inondikomba kumativi ose; Anopamura itsvo dzangu, asinganzwiri nyasha; Anodururira nduru yangu pasi.
14Anondikoromora nokukoromora-koromora; Anomhanyira kwandiri semhare.
15Ndakasonera masaga paganda rangu, Ndakaradzika runyanga rwangu muguruva.
16Chiso changu chatsvuka nokuchema. Mumvuri worufu uri pamafungiro ameso angu.
17Kunyange maoko angu asingadi hawo kuparadza, Nokunyengetera kwangu kwakanaka hako.
18Iwe nyika, rega hako kufukidza ropa rangu; Kuchema kwangu ngakushaiwe nzvimbo yokuzorora.
19Nazvino, tarirai, chapupu changu chiri kudenga, Iye, anondipupurira zvakanaka, ari kumusoro.
20Shamwari dzangu dzinondishora, Asi ziso rangu rinodurura misodzi yangu pamberi paMwari.
21Kuti aruramisire munhu pamberi paMwari, NoMwanakomana womunhu pamberi powokwake.
22nekuti kana makore mashoma apfuura, Ndichafamba nenzira yandisingazodzokizve nayo.