1Ipapo Jobho akapindura,, akati,
2Inzwai zvakanaka kutaura kwangu; Munyaradzwe nazvo.
3Ndiregei, nditaurewo; Kana ndapedza kutaura, mungandiseka henyu.
4Kana ndirini, ndinochema kuvanhu here? Ndingaregereiko kupera moyo?
5Nditarirei, mushamiswe, Muise ruoko rwenyu pamuromo.
6Kunyange ndozvirangarira ndinotambudzika, Kutya kukuru kunobata nyama yangu.
7Vakaipa vanoraramireiko, Vachikwegura nokuwedzerwa simba here?
8Vana vavo vanosimbiswa pamwechete navo pamberi pavo, Navazukuru vavo vachizviona nameso avo.
9Dzimba dzavo dzinorugare, hadzityiswi, Uye shamhu yaMwari haigari ichivarova.
10Hando yavo inoberekesa, isingakoni, Mhou yavo inobereka, isingasvodzi.
11Vanobudisa pwere dzavo seboka ramakwai; Vana vavo vanotamba.
12Vanoimba vachiridzirwa ngoma nembira, Vanofara vachiridzirwa nyere.
13Vanopedza mazuva avo vachifara, Vanoburukira kuSheori kamwe-kamwe.
14Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, Ibvai kwatiri; nekuti hatidi kuziva nzira dzenyu.
15Iye waMasimbaose ndianiko, kuti timushumire? Tichabatsirwa neiko kana tikakumbirisa kwaari?
16Tarirai, kufara kwavo hakuzi mumaoko avo; Mano avakaipa ari kure neni.
17Ko mwenje wavakaipa unodzimwa kangani? Njodzi yavo inovavinga kanganiko? Mwari anovapavhurira kutambudzika pakutsamwa kwake kanganiko?
18Vanotongofanana namakoto anopepereswa nemhepo here? Nehundi inotorwa nedutu remhepo?
19imwi munoti, Mwari anochengetera vana vake zvakaipa. Ngaamutsive iye amene, azvizive.
20Meso ake amene ngaaone kuparadzwa kwake, Iye ngaamwe kutsamwa kowaMasimbaose.
21Nekuti achava nehanya yeiko neimba yake kana aenda, Kana kuwanda kwemwedzi yake kwatapudzwa.
22Ndianiko angadzidzisa Mwari kuziva, Zvaari iye anotonga vari kumusoro?
23Mumwe anofa achine simba rake rose, Akafara chose anorugare.
24Mazamu ake azere nomukaka, mwongo wamafupa ake wakanyorova.
25Mumwe anofa ane shungu dzomoyo, asina kutongoravira zvakanaka.
26Vanovata pasi pamwechete paguruva, Honye dzinovafukidza vose.
27Tarirai ndinoziva kufunga kwenyu, Namano akaipa amunondifungira.
28Nekuti munoti, Imba yomuchinda iripiko? Tende raigarwa nowakaipa riripiko?
29Hamuna kubvunza here vanofamba nenzira? Hamuzivi zviratidzo zvavo here?
30Kuti munhu wakaipa anoregerwa pazuva renjodzi, pazuva rokutsamwa kukuru vanobviswa.
31Ndianiko angamuzivisa mufambiro wake pachena? Ndiani achamutsiva zvaakaita here?
32Zvino anotakurirwa kuhwiro, kurindwe churu chake.
33Mavhinga omupata achamunakira, Vanhu vose vachamutevera, Sezvaakatungamirirwa navasingaverengwi.
34Zvino munondinyaradza sei nezvisina maturo, Zvamasarirwa nenhema dzoga pakupindura kwenyu?