1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura, akati,
2Umambo nokutyisa zvinaye; Iye unoyananisa pamatunhu ake akakwirira.
3Hondo dzake dzingaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?
4Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Nomunhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?
5Tarira, nomwedziwo unoshaiwa kubhinya, Nenyeredzi hadzizakachena kwazvo pamberi pake.
6Ndoda munhu, iro gonye! noMwanakomana womunhu, iro gonye!