Shona

Gujarati: NT

Job

26

1Ipapo Jobho akapindura, akati, kwaari
2Iwe wakabatsira sei asine simba! Wakaponesa sei ruoko rusine simba!
3Wakapa mano sei asina kungwara, Nokududzira kwazvo zivo yechokwadi!
4Wakataurira aniko mashoko awa? Mweya wakabuda kwauri ndowaaniko?
5Vakafa vanodedera Pasi pemvura navagere mukati mayo.
6Sheori rakashama pamberi pake, Kuparadza hakune chifukidzo.
7Anotatamura rutivi rwokumusoro pasine chiro, Anoturikira nyika pasine chinhu.
8Anosungira mvura mumakore ake makobvu; Asi gore haribvaruki nokurema kwayo.
9Anofukidza chigaro chake choushe, chirege kuonekwa,
10Akatara muganhu pamusoro pemvura, Kusvikira pakupedzisira kwechiedza nerima.
11Mbiru dzedenga dzinodedera, Nokuvhunduka nokutuka kwake.
12Anomutsa gungwa nesimba rake, Nenjere dzake anoparadza Rahabhi.
13Denga rinoshongedzwa nomweya wake; Ruoko rwake rwakabaya nyoka inokurumidza.
14Tarira, izvi ndiwo mudzivo woga wenzira dzake; Haiwa, tinongonzwa zeve-zeve roga renzwi rake! Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko angakunzwisisa?