Shona

Gujarati: NT

Job

27

1Ipapo Jobho akapfuura nokutaura kwake, akati,
2NaMwari mupenyu, iye akanditorera kururama kwangu; nowaMasimbaose akatambudza mweya wangu;
3(Nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose, Nomweya waMwari uchiri mumhino dzangu;)
4Zvirokwazvo miromo yangu haingatauri zvisakarurama, Uye rurimi rwangu harungarevi zvinonyengera.
5Mwari ngaandidzivise ndirege kukururamisirai; Kusvikira parufu rwangu handingarashi kusanyengera kwangu.
6Ndinobatisa kururama kwangu, handingakuregi; moyo wangu haungandipi mhaka ndichiri mupenyu.
7Muvengi wangu ngaaite sewakaipa. Uye anondimukira ngaaite seasina kururama.
8nekuti asingadi Mwari ane tariro yeiko, kunyange azviwanira fuma, Kana atorerwa mweya wake naMwari here?
9Ko Mwari achanzwa kuchema kwake, Kana achiwirwa nenjodzi here?
10Ko iye achafarira waMasimbaose, Nokudana kuna Mwari nguva dzose here?
11Ini ndichakudzidzisai zvoruoko rwaMwari; Izvo zvina waMasimbaose handingazvivanzi.
12Tarirai imwi mose makazviona henyu; Zvino makagova vanhu vasina maturo chose neiko?
13Ndiwo mugove unopiwa munhu akaipa naMwari, Nemhaka yavamanikidzi, yavanopiwa nowaMasimbaose.
14Kana vana vake vachiwanda, vourawa nomunondo; Vana vake havangaguti zvokudya.
15Vana vake, vakasara, vachavigwa vafa, Chirikadzi dzake hadzingachemi.
16Kunyange akaunganidza sirivha ikaita seguruva, Nokugadzira zvokufuka zvikaita sevhu;
17Angazvigadzira hake iye, asi akarurama ndiye achazvifuka; Asine mhosva ndiye achagovera sirivha.
18Anovaka imba yake sechifusi, Sechirindo chinoitwa nomurindi.
19Anovata pasi akafuma, asi haapamhidzizve; Anosvinudza meso ake, asi haachipo.
20Zvinotyisa zvinomubata semvura zhinji; dutu remhepo rinomubvuta usiku.
21Mhepo inobva mabvazuva inomutora ndokuenda hake; Inomutsvaira panzvimbo yake.
22Mwari achamuposha, asingamunzwiri tsitsi, Uchatiza zvokutiza paruoko rwake.
23Vanhu vacharova maoko pamusoro pake, Vachamuridzira muridzo abve panzvimbo yake.