Shona

Gujarati: NT

Job

3

1Shure kwaizvozvo Jobho wakashamisa muromo wake, akatuka zuva rake.
2Jobho akapindura akati,
3Zuva randakaberekwa naro ngarirove, Nousiku uhwo hwavakati, Mwana womukomana agamuchirwa.
4Zuva iro ngarive rima; Mwari ari kumusoro ngaarege kurirangarira, Nechiedza ngachirege kurivhenekera.
5Rima nomumvuri worufu ngazviritore rive razvo; Gore ngarigare pamusoro paro; Zvose zvinosvibisa zuva ngazvirivhunduse.
6Kana huri vusiku uhwo, ngahubatwe nerima guru; Ngahurege kufara pakati pamazuva egore; Ngahurege kurahwa pakati pemwedzi.
7Usiku uhwo ngahuve ngomwa; inzwi romufaro ngarirege kupinda mahuri.
8Vanotuka zuva iro ngavavutukewo, Ivo vanogona kumutsa shato huru.
9Nyeredzi dzamambakwedza ahwo ngadzisvibe; Ngahumirire chiedza, asi huchishaiwe; Ngaurege kuona fungiro dzameso amangwanani;
10Zvahusina kupfiga mikova yemimba yamai vangu, Kana kuvanza kutambudzika pameso angu.
11Ndakaregereiko kufa ndichiri mumimba? Ndakaregerei kuparara ndichibuda mudumbu,
12Mabvi akandigamuchirireiko? Kana mazamu, kuti ndimwe?
13nekuti ndingadai zvino ndakatandavara, ndinyerere; Ndingadai ndivete; ipapo ndingadai ndazorora;
14Pamwechete namadzimambo namakurukota enyika Vakazvivakira matongo;
15Kana namachinda, aiva nendarama, Akazadza dzimba dzawo nesirivha;
16Kana ndingadai ndisina kuvapo somwana akaponiwa nguva isina kusvika; Savacheche vasina kutongoona chiedza.
17Vakaipa vanorega kutambudza kwavo ipapo; Vakaneta vanozorora ipapo.
18Vasungwa vanorugare pamwechete ipapo; Havanzwi inzwi romutariri.
19Vaduku navakuru varipo; Uye muranda akasununguka panatenzi wake.
20Munhu ari panjodzi anopirweiko chiedza, Noupenyu kuno ane shungu pamoyo;
21Avo vanoshuva rufu, asi haruuyi; Vanoruchera kupfuura fuma yakavanzwa pasi;
22Vanopembera kwazvo, Nokufara, kana vachiwana hwiro?
23Munhu, akadzimira nzira yake, anopirweiko upenyu, Iye akadzivirirwa norumhanda naMwari?
24Nekuti ndinogomera ndisati ndadya, Kuvuvura kwangu kunodururwa semvura.
25Nekuti chinhu chandaitya chandiwira, Nechandinoteta chandivinga.
26Handina mufaro, kana kunyarara, kana kuzorora; Asi njodzi inongosiuya.