1Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
2Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe uchava neshungu here? Asi ndiani angazvidzora, akasataura hake?
3Tarira, iwe wakadzidzisa vazhinji, Iwe wakasimbisa maoko akashaiwa simba.
4Mashoko ako akatsigira akanga achivavarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akanga achigweda-gweda.
5Asi zvino zvasvika kwauri, iwe woshaiwa simba, Zvakubata, zvino wotambudzika.
6Ko kutya kwako Mwari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here?
7Rangarira hako, ndianiko asine mhaka akatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi?
8Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa Navanodzvara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo.
9Vanoparadzwa nomweya waMwari, Vanopedzwa nokufema kokutsamwa kwake.
10Kunduruma kweshumba nenzwi reshumba inehasha, Nameno evana veshumba anoparadzwa.
11Shumba, yakwegura, inofa nokushaiwa zvingabata; Navana veshumbakadzi vanoparadzirwa.
12Zvino ndakaziviswa shoko rakavanda; Nzeve yangu yakanzwa zeve-zeve raro.
13Pandangariro dzinobva pane zvinoonekwa usiku, Kana vanhu vabatwa nehope huru;
14Kutya nokubvunda kwakandiwira, Kwakabvundisa mafupa angu ose.
15Ipapo mweya wakapfuura pamberi pechiso changu; Mvere dzenyama yangu dzikasimuka.
16Wakamira, asi ndakanga ndisingagoni kuona kuti akadini; Mufananidzo wangu wakange uri pamberi pameso angu; Kunyarara kukavapo, ndikanzwa inzwi richiti,
17Ko munhu, anofa, angakunda Mwari pakururama here? Ko munhu angakunda Muiti wake pakunaka here?
18Tarirai, haatendi varanda vake; Vatumwa vake anovapa mhaka achiti mapenzi;
19Ndoda vanogara mudzimba dzevhu, Nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruva, Dzinopwanyiwa sezvifusi.
20Vanoparadzwa pakati pamagwanani namadekwana; Vanoparara nokusingaperi, pasina munhu ane hanya nazvo.
21Ko bote retende ravo harina kuvhomorwa pamwechete navo here? Vanofa vasina uchenjeri.